Zvemadhirama zviri muropa: Bhutusi

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Zvemadhirama zviri muropa: Bhutusi ADMIRE KUZHANGAIRA

Kwayedza

Abel Ndooka —
SHASHA yekubika pamwe nekuekita mitambo yemadhirama anosetsa zvikuru – Admire ‘Bhutusi’ Kuzhangaira – anoti vabereki vanofanirwa kutsigira vana vavo pane zvavanenge vasarudza kuita muhupenyu kwete kuvatarisira pasi sezvo vamwe vachizokwanisa kuwana raramo kubva mazviri mune ramangwana.

Muchinda uyu anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Bhutusi zvichitevera dhirama raanove mutambi iro ranetsa zvikuru rinobuda paterevhizheni rinonzi Muchaneta apo anenge aine vamwe vake vanosanganisira Rolland ‘Boss Kedha Kedha’ Lunga.

Achitanga kuita mukurumbira, vatsigiri vaKuzhangaira vaimuziva achifamba naLunga vachiita madhirama ayo aitenderera paWhatsApp.

Shasha iyi nekufamba kwenguva yakazotanga kuita madhirama anobuda paterevhizheni.

Mudhirama raMuchaneta, Kuzhangaira anenge ari murume waMuchaneta uyo anotambwa naKessia Magosha anenge achimushungurudza zvikuru pamwe nevabereki vake.

Kuzhangaira anoti kuroora kwaakaita Muchaneta mudhirama iri kwaive kuda kupfidzisa vabereki vake avo vainge vamurambidza kuwana musikana wake waaidisisa pakutanga.

“Mudhirama iri ndakaroora Muchaneta ndichiti ndipfidzise vabereki vangu asi tinopedzisira tave kupfidziswa tese naMuchaneta nekuti mudzimai uyu akazvipengera.

“Kuroora kwandakaita Muchaneta ndaida kupa chidzidzo kuvabereki vangu avo vainge vandikonesa kuroora musikana wandaida nemoyo wese.

“Chidzidzo chacho ndechekuti vabereki ngavasapindire munyaya dzevana vavo nekuti zvinogona kuvakanganisa mune ramangwana uye chavo ngavatitsigire pane zvatinenge taronga muhupenyu hwedu,” anodaro Kuzhangaira.

Kuzhangaira akazvarwa mugore ra1984 muHarare akadzidza paFungisai Primary School kuChitungwiza uko kunove kwaakatangira kuita zvemadhirama.

Anoti akatanga kuhwinha mibairo yemadhirama achiita zvidzidzo zvake zveGrade 6 ne7.

Shasha iyi yakazonogara kwaMurehwa uko akaenderera mberi nefundo yake paChemhondoro High School apo paanove akapinda muchikwata chedrama club.

Ari kuChemhondoro, Kuzhangaira ainyora madhirama epachikoro pamwe nekutungamira uye vaikwikwidza kumakwishu emaProvincial Drama Competitions.

“Zvemadhirama zvakatanga ndichiri mudiki, ndakazvarwa zviri mandiri uye ndichiri kupuraimari chaiko ndakahwina mibairo yakawandisa.

“Ndakambobuda pachirongwa cheZtv Star Kid of the week kaviri izvo zvairakidza chipo chaive mandiri chemadhirama,” anodaro Kuzhangaira.

Achangopedza chikoro, Kuzhangaira akamborairidza muzvikoro zvakasiyana zvinosanganisira Nyamutumbu Secondary kwaMurehwa apo aidzidzisa English neHistory ndokuzoenda paChemhondoro Secondary akafundisa English Literature mugwaro reLower 6.

Akazoenda kukoreji inodzidzisa kubika mafirimu uko akaita zvidzidzo zveTV Production kwemakore matanhatu.

Paakapedza kukoreji iyi, Kuzhangira anoti akashandira makambani akasiyana izvo zvakamuona achiwana ruzivo rwakadzama rwekubika mafirimu.

Akazobatana naLunga apo aishanda kuMade in Africa inove kambani imwe chetewo yaishandirwa naAnne Kansiime wekuUganda anove shasha yemadhirama anosetsa zvikuru.

Kuzhangaira naLunga vakazotanga kubika mavhidhiyo ayo aitenderera paWhatsApp ari ekukurudzira kugadzirisa zvinenge zvichinetsa munharaunda.

“Ndakazobatana naLunga tiri kuMade In Africa tikashanda tese tikabva ndokutanga kubika mavhidhiyo ayo taitumira paWhatsApp vanhu vakaafarira zvikuru.

“Chinangwa chedu chaive chekuparidza tichikurudzira kuti nharaunda dzedu dzigadziriswe asi vanhu vakanakidzwa nawo tikabva tatoona kuti tine mukana wekuenda kure nawo,” anodaro Kuzhangaira.

Kupinda kwaakaita mudhirama raMuchaneta, Kuzhangaira anoti akafonerwa naNick Zemura uyo anonyora dhirama iri vakakurukura pamusoro paro.

“Zemura akandifonera achiti ane dhirama raari kunyora uye anoda kuti ndivemo, akandiverengesa ini ndakanakirwa naro zvikuru kunove ndiko kupinda kwandakaita panaMuchaneta.

“Akanyora dhirama iri achiziva vanhu vake vaaida kuti vapinde mariri uye riri kunakidza vanhu zvikuru,” anodaro.

Kuzhangira akaroora uye ane mwana mumwe chete nechiponda moyo chake icho asina kuda kudura zita racho.

Muchinda uyu vazhinji vanomuziva ari munhu anoda zvekuseka zvakanyanya kuburikidza nedhirama raMuchaneta asi muhupenyu hwake akanyarara zvikuru uye nguva zhinji anoti anoda kugara ari ega.

“Ini kana mudzimai wangu anozviziva, ndiri munhu anoda kugara ari ega dzimwe dzenguva nekuti nguva zhinji ndinogara ndine vanhu vakawanda vakandimomotera saka ndinoda kumbove ndiri ndega ndichirodza pfungwa,” anodaro.

Zvakadai, Kuzhangaira anoti anoda kuti shamwari dzake dzimudane nezita rake rekuzvarwa rekuti Admire kwete Bhutusi.

“Shamwari yangu chaiyo ndinoiziva ichindeshevedza nezita rangu rekuzvarwa rekuti Admire, wese anonditi Bhutisi haisi shamwari yangu mutsigiri wangu uye ndinongodaira,” anodaro.

Vazhinji vanoziva Kuzhangaira achiita zvemadhirama asi kubva mwedzi yadarika muchinda uyu ave kuitawo zvestandup comedy unove mutambo wekusetsa veruzhinji zvakare.

Share This:

Sponsored Links