Zvemari musvo ngazvichipera

25 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Zvemari musvo  ngazvichipera

Kwayedza

MARI mazuva ano iri kunetsa kuiwana kungave kumabhanga kana kuzvitoro mushure mekunge munhu atenga kuburikidza nenzira inozivikanwa nekuti cash-back. Kunetsa kuri kuita kuwana mari uku kwaona veruzhinji vachitsvaga dzimwe nzira dzekutenga kana kutengesa zvakasiyana vachishandisa michina “yekusiwaipa” inodaidzwa kuti Point of Sale (POS) machines. Pakutanga, veruzhinji vaisada kushandisa nzira idzi kutenga kana kutengesa zvinhu zvakasiyana sezvo vaisarudza kuswera vakamira mumitsetse kumabhanga vachida kutora mari yavo. Vaida kutoshandisa mari iri musvo.

Mushure mekuona kuti mari iri kunetsa kuiwana kubhanga uye pamwe nedzidzo yakapiwa nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), veruzhinji vakazotambira kushandiswa kwe”plastic money”. Nhasi uno vanhu vatojairira kushandisa nzira idzi asi pakutenga zvakange zvisiri nyore uye vamwe vaifunga kuti hazvishande.

Zvisinei, veruzhinji vachiri kunetseka kuti vabhadhare zvakadai semari dzechikoro nekuti muzvikoro hamusati mave nemichina yemaPOS. Izvi zvinoreva kuti vabereki vanenge vachida kubhadhara mari dzechikoro vanomakidzirwa kuenda kumabhanga kunotsvaga mari iri musvo kana kuiendesa kuakaundi yechikoro nenzira yeReal Time Gross Settlement (RTGS) izvo zvinovadhurira.

Zvinoshamisa kunzwa kuti kune zvimwe zvikoro zvichiri kumanikidza vabereki kubhadhara mari yechikoro iri musvo zvisinei nekuti iri kunetsa kuwana munyika muno.Nekudaro tinogamuchira nemawoko maviri mashoko egurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, ekuti vari kutora matanho achaita kuti muzvikoro munge muine michina yemaPOS kuitira kuti vabereki varerukirwe pakubhadhara mari dzechikoro. Dr Dokora vanoti zvakakosha kuti zvikoro zvinge zvichifambirana neruzivo rwechizvino-zvino, zvikuru mukushandiswa kwemari.

Vanoti zvakare kune vamwe vakuru vezvikoro vari kuramba danho iri uye zvinoshamisa kuti sei vari kupokana nepfungwa dzakanaka kudai. Kushandiswa kwemichina yemaPOS kwakanaka pakuti kunorerutsira vabereki uye kunochengetedza mari yechikoro kubva kumbavha.

Svondo rapera, bepanhau rino rakaburitsa nyaya yepane chimwe chikoro chekuMudzi apo panonzi pakabiwa mari yechikoro nezvidhoma. Zviri pachena kuti mari iyi yakabiwa nevanhu uye kana pakave nekushandiswa kwemaPOS mukubhadharwa kwemari dzechikoro, panenge pasisina mukana wekuti makororo aibe iri musvo.

Semaonero edu, vakuru vezvikoro vari kuramba kutambira kushandiswa kwemaPOS kureva kuti pane chikiribidi chavari kuita nemari iyi painobhadharwa iri musvo. Michina yemaPOS yave kungoshandiswa pose-pose, kunyangwe nevamwe vanotengesa matomatisi, saka vakuru vezvikoro vanogopokana sei nepfungwa yekuti ishandiswe mukubhadhara mari dzechikoro? Zviya zvekuti mari imari bedzi kana iri musvo ngazvichipera. Tose ngatifambiranei nenguva pane kuramba takangonamirana nezvinhu zvasarira mumashure.

Share This:

Sponsored Links