Zvemimhanzi zvakaoma: Ndlovu

17 Oct, 2014 - 00:10 0 Views
Zvemimhanzi  zvakaoma: Ndlovu

Kwayedza

guitar_black_caddy_music_instruments_MUIMBI akamboita mukurumbira makore adarika achiridza nezvikwata zvakasiyana, Shephard Ndlovu (40), anoti parizvino indasitiri yemimhanzi yakaoma zvikuru sezvo pasina vakotsveri vakazvipira kutsigira avo vachiri kusimukira.

Ndlovu, uyo anoimba nechikwata cheChesa Express chine nhengo sere, parizvino ari kufamba achivaraidza veruzhinji kunzvimbo dziri kumapurazi akatenderedza Karoi uko ari kugara senzira yekutsvaga raramo.

Muchinda uyu akatanga kuita zvemimhanzi mugore ra1991.

“Kubva pandakatanga kusvika parizvino handisati ndambotsikisa sezvo zvinhu zviri kuoma munyaya dzekusimukira mumimhanzi, “ akadaro.

Anoti akamboimba nechikwata cheShirinhema Band icho chakazoshandura zita kuti Shirichena uye akamboimba zvakare naLeeroy Kamusena nechikwata cheChazezesa Challengers.

“Dambudziko redu nderekuti takange tisina magitare ekushandisa.

“Parizvino ndakakwanisa kutenga magitare kuburikdza nekurima fodya izvo zvave kuita kuti tikwanise kufamba nzvimbo dzakatenderedza tichiridza,” akadaro.

Anoti rimwe dambudziko ravakatarisana naro ndere kushaya mapuromota anovatsigira mubasa ravo kuti vakwanise kusimukira.

“Tinenge tichitsvaga nzvimbo dzekunoridzira dzinoita kuti tikwanise kuwana chouviri asi nekuda kwenzvimbo yatinogarta zvinhu zvinotinetsa sezvo kusina kwatinokwanisa kuridza kunotipa mari iri nane,” akadaro Ndlovu.

Anoti zvekuridza magitare akazvarwa nazvo, zviri muropa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey