‘Zvibhorani zvishoma kuGuruve’

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Zvibhorani zvishoma kuGuruve’ VaBiggie Manyepa vachiratidza chibhorani chakakiiwa.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KUSHOMEKA kwezvibhorani kuChipuriro, kuGuruve, kudunhu reMashonaland Central, kwasvika padanho rakaipa izvo zvave kuita kuti vamwe vagari veko vashandise mvura yemunzizi mumabasa epamisha zvinova zvave kutyirwa kuti kungangonyuka zvirwere zvemanyoka.

VaGrant Wachenuka (36) vemubhuku raWachenuka – avo vakawanikwa neKwayedza vachichera mvura murwizi Shinje – vanoti ndiyo yoga mvura yavanoshandisa mumabasa epamusha sezvo chibhorani chimwe chete chiriko chisisaburitse mvura inokwana.

“Kuno mvura iri kunetsa nekuti chibhorani chedu chimwe chete chiri panzvimbo yemabhizinesi eNyangavi hachiburitse mvura yakawanda. Madzimai vanomukira mambakwedza kunomirira mvura ipapo.

“Nekuwanda kwatakaita, munhu mumwe chete anowana mugomo mumwe wemvura nekudaro vazhinji vanoishaya,” vanodaro.

VaWachenuka vanoti nekuda kwedambudziko iri, vanoguma vave kunochera mvura murwizi iyo vanofashaidza yozonwiwa nevanhu nekushandisawo mumabasa emudzimba.

“Handi vose vanofashaidza mvura iyi, vamwe vanongoshandisa yakadaro. Tinotoda zvimwe zvibhorani kana zvitatu kuti vanhu vawane mvura yakachena,” vanodaro. Misha ine dambudziko rekushaya mvura inosanganisira Muwodza, Bukuta, Mupfurutsa nemimwe.

Vanhu vaichera mvura murwizi

“Chibhorani chimwe chete chinova chitsva chave kukiiwa kuti vanhu vasachere mvura masikati vachizochera husiku apo inenge yadzinina. Nekuda kwedanho iri, vamwe vanhu vanonzi havachatomboenda ikoko nekuziva kuti mvura yacho havaiwane,” vanodaro.

VaBiggie Manyepa (53) vemunzvimbo iyi vanoti pataundishipi yeNyangavi pakamboiswa pombi yekuti mvura idhonzwe kubva muzvibhorani zvaida kucherwa izvo zvavanoti havazive kuti zvakazoperera papi.

VaGrant Wachenuka

“Taundishipi yedu yakatombochererwa mapombi pasi kuchinzi kwaida kuunzwa mvura kubva muzvibhorani, asi nyaya iyi hatizive kuti yakazogumira kupi. Takangonzwa kuti injini yaida kuzoshandiswa yakabiwa,” vanodaro.

Vanoti mumwedzi waGumiguru zvichienda mberi, nzizi dzinenge dzisisina mvura yakawanda izvo zvinoita kuti mombe nezvimwe zvipfuyo zvishaye mvura yekunwa.

“Panguva iyi tinorasikirwa nemombe zhinji dzichiny’ura mumadhaka apo dzinenge dzichitsvaga mvura. Chikumbiro chedu tinodawo dhamu padyo, tochererwawo zvibhorani zvinokwanirana,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey