Zvichaburwa nedzidzo itsva

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naChiremba
CHINANGWA chedzidzo itsva kuona kuti mudzidzi awana dzidzo yakakwana mumusoro make asi dzidzo iyi inokoshesawo kuti mwana akwanise kubatanidza nekushandisa zveanenge adzidza nezvinoitika chaizvo-izvo muupenyu.
Zvinoitwa nemaoko:
Chimwe chinotarisirwa pamudzidzi anenge adzidza zvidzidzo zvitsva izvi kukwanisa kuti mwana akwanise kugadzira kana kuita zvinhu zvinobatika muupenyu, akwanise kuve munhu angapinzwa basa nekuda kweruzivo urwo anenge anarwo uye avewo munhu anokwanisa kutanga bhizimusi kana kambani inozopinzawo vamwe mabasa.
Kuburikidza nedzidzo itsva, mudzidzi anodzidza kufunga zvakadzama vachigadzirisa zvinonetsa. Mwana anodzidzawo kutungamira kwamandorokwati kunosanganisira kukwanisa kubatira pamwe nevamwe kuitira kuti chinangwa cheboka chibudirire.
Mukushanda seboka kudai, mwana anodzidza kunyatsotaurirana nevamwe zvakakwana kuitira kuti chinangwa chinenge chichivavarirwa chinyatsojeka, chigobudirira. Pamusoro pazvo, mukushandirapamwe uku vadzidzi vanotarisirwawo kubuda muzvikoro vave neunyanzvi hwekutungamira vamwe, unyanzvi hwekupangana nekuronga nevamwe, kuronga mabasa kuti chinangwa cheruzhinji chibududirire. Panobudawo mudzidzi anofanirwa kunge ave neruzivo rwemichina runoita kuti azokwanisa kurwushandisa kugadzirisa nhamo dzeupenyu. Pamusoro pezvo mudzidzi anobuda muchikoro ave neunyanzvi hwekuona mikana yekutanga mabhizimusi inenge iripo uye kuzovamba nekufambisa mabhizimusi.
Vadzidzi vanofanirwa kunge vadzidzawo kutsungirira apo nguva yekuita zvinhu inenge iri shoma uye mari kana zvimwe zvekushandisa zviri zvishoma. Kumagumo kwedzidzo iyi vana vanofanirwa kunge vokwanisawo kushandisa ruzivo rwavanenge vadzidza kugadzirisa zvinonetsa muupenyu, uye kugadzira zvimwe zvinhu zvitsva zvinobatsira kurerutsa upenyu hwavanhu.
Muchikamu chinotevera tichatarisazve zvinotarisirwa kuonekwa mudzidzi akagukuchira kana abuda muchikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey