Uncategorized

‘zvidhoma hazvidi neni’

21 Dec, 2017 - 08:12 0 Views
‘zvidhoma hazvidi neni’

Kwayedza

… ‘Zvinondiita mukadzi wazvo’

… ‘Varume vochifa, kunditiza’

Kingstone Mapupu —
MUDZIMAI anogara kwaKandeya, kuMt Darwin, anoti aoneswa nhamo nekuitwa mukadzi nezvivanhu zvinomubvakachira kumba kwake husiku kana masikati.

Mai Faustine Kawotsa (47) ishirikadzi ine vana vashanu uye vane fungidziro yekuti zvivarume zvinovaita mukadzi izvi zvidhoma.

“Ndaona nhamo veduwee, zvirume zvinongouya kwandiri — ndakasvinura kana kuti ndiri kuhope — zvotopedza neni. Izvi zvinogona kuitika ndichifamba mumugwagwa kana pakaungana vanhu. Mukaona ndangomira ndisisataure zvinenge zvatanga,” vanodaro.

Musi wavauya kumahofisi eKwayedza, muHarare svondo rapera pamberi, vanoti vakaoneswa ndondo nezvivarume izvi vari parwendo.

“Izvozvi ndichitouya kuno, zvidhoma izvi zvaziva kuti ndinoda kunobatsirwa ndokutanga kundiranga nekundiita mukadzi mumugwagwa. Zvaitika kanokwana kana. Ndatombogara pasi padivi pemugwagwa vanhu vakashamisika kuti chii chiri kuitika kwandiri.

“Dambudziko iri raita kuti ndigare ndichirwadziwa nesikarudzi yangu nekuti mamwe mazuva ndinoswererwa. Aiva murume wangu — Lovemore Konje — akashaika mugore ra2009 akandisiira vana 4, apo ndakazoitiswawo mwana wechishanu nemumwewo murume. Izvi zvekuitwa mukadzi nezvinhu zvinongouya zvozotsakatika zvakatanga apo murume wangu wekutanga achiri mupenyu,” vanodaro Mai Kawotsa.

Nyaya yezvivarume zvinoshinha neni iyi vanoti yakatanga vachangoroorwa, izvo zvavanoti zvakavaita kuti vabare mwana wekutanga akaremara mitezo, pashure ndokubereka mumwezve mwana akaremara nemumwe murume.

“Mukufamba kwandinoita ndinonzi izvi zviri kukonzerwa nemhiko dzevanhu vanoshereketa neni ava dzekuti vana vedangwe vemurume woga-woga vanofanirwa kuva zvirema. Saka ndave kuona zvangu kuti zviri nani kuti ndisiyane nekudanana nevarume sezvo ndichiguma ndakanganisa varume vandinodanana navo ava,” vanodaro.

Mai Kawotsa vanoti murume wavo wekutanga haana kurwara sezvo akangofa mushure mekurwadziwa nemusoro kwenguva duku.

Vanoti vakazowanikwazve nemumwe murume uyo akazopedzisira avatiza nekuda kwenyaya yekuitwa mudzimai nezvidhoma iyi.

“Ndakazoita mwana wechishanu mugore ra2003 naRichard Mpofu uyo akava murume wangu wechipiri. Akazongonditiza nekuda kwezvinhu zvaaiona pamba zvaanoti zvaimurwisa,” vanodaro.

“Kubva pakatiza murume uyu mugore ra2003, handina kuzombodanana nemumwe murume. Ndiri kungoitwa mudzimai nezvinhu izvi, kana kuti nditi zvipoko kana kuti zvidhoma hamheno, haungazvirambe.

“Zvevarume vezvikwambo ava zvandishaisa mufaro, dai pawana vanondibatsirawo zvipere. Pavana vangu, wekutanga haakwanise kufamba, wechishanu anongopunzika uye akatorega chikoro nekuda kwedambudziko iri,” vanodaro Mai Kawotsa.

“Ndaiti pandaiita bonde nemurume wangu wekutanga, kwaingouya izwi raibva mumhepo raiti, ‘Iwe, siyana nemukadzi uyo ndewangu.

‘‘Uchafa usina kurwara’.”

Mai Kawotsa vanoti zvakare nguva dzose pavainge voda kupinda mumachira nemurume wavo — wekutanga kana wechipiri — vaizongonzwa pamusiwo pavo gonhi rogogodzwa zvakasimba.

“Taiti tikavhura dhoo racho, waiwana pasina munhu. Kana ukabuda panze hapana chaunoona.

“Murume wangu wechipiri paakazotiza, anoti aisangana nemumwe murume pamba uyo aisataura naye,” vanodaro.

Mai Kawotsa vanoti vabereki vavo vakatadza kugadzirisa dambudziko iri kudzimara baba vavo vashaika.

“Handizive kwazvinobva, apa ndakapihwa zita raambuya vababa vangu avo vanouya kuhope dzangu nguva nenguva. Asi kumwewo kwandinofamba ndinonzi pane hama dzangu dzepedyo dzakabata-bata mishonga yakaipa.”

Vanoti dzimwe nguva vanoona zvirume izvi zvakapfeka zviso zvedzimwe hama dzavo dzepedyo.

“Handichisina wekuudza nhamo yangu, ndave kungozvitamburira.”

Mai Kawotsa — avo vanoshanda sacaretaker pane imwe nzvimbo ine dzimba dzemudurikidzwa mukati muHarare — vanoti havasi kubhadharwa mari izvo zvave kuita kuti vararame nekutengesa kuti vakwanise kurarama nevana vavo.

Zvichakadai, Mbuya Calister Magorimbo (55) vekuDzivaresekwa, muHarare – vari nyanzvi yezvechivanhu — vanoti Mai Kawotsa vanogona kunge vakaitwa mudzimai wezvikwambo kana kuti mukadzi wengozi nekudaro vanoda kubatsira kuchivanhu.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaPatrick Kapfunde (44) vekwaMadondo, kuMt Darwin.

Kune vanoda kubatsira mudzimai ridzai nhare dzinoti 0771 353 889, 0775 241 816 kana 0778 246 017.

Share This:

Sponsored Links