Uncategorized

‘Zvidhoma zvandinzwisa’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Zvidhoma zvandinzwisa’ Mai Farirai Munyuki

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI anogara mumusha weHopley, muguta reHarare, ari kuchema-chema achiti ari kuitwa mukadzi nezvaanofungidzira kuti zvidhoma kana kuti zvikwambo.

Mai Farirai Munyuki (41) – avo kumusha vanobva kwaMupandawana, kwaGutu – vanoti vanzwiswa nekuitwa mudzimai nezvidhoma.

“Ndasarudza zvangu kubuda pachena, ndatambudzwa nezvinhu zvinondiita mukadzi ndisingade. Ndakasvinura, ndinotonzwa kuti ndave kushinhwa neni. Ndinogona kuswererwa kana kurarirwa ndichinzarwo kudakara sikarudzi yangu yoshosha sendaiswa mhiripiri,” vanodaro.

Mudzimai uyu akaroorwa naEnock Mavesera (43) uye vane vana vatanhatu.

VaKandiyero

Mai Munyuki vanoti havana kumbobvira vakaona baba vavo muupenyu hwavo sezvo vakarerwa kumusha kwaamai vavo.

Vanoti dzimwe nguva vanoona maziwoko emunhu anotanga kuvabata-bata asi vasingaone munhu wacho.

“Ndinoona sikarudzi yechirume inoita seine maziso. Ndinobva ndatonzwa kuti ndave kushereketwa neni.

Dzimwe nguva kunotanga kwabuda mazwi anotaura kuti tinoda ‘kukukaurisa, hatidi kuti ugare nemurume,” vanodaro Mai Munyuki.

Vanoti vanogona kuti vakagara, voona zviso zvehama dzavo dzakashaika zvichiuya kwavari pasina zvavanotaura, kusanganisa amai vavo.

“Kwandinofamba ndinonzi zviso zvandinoona zvehama dzangu dzakafa kureva kuti vashakabvu ava vakasandurwa kuitwa zvidhoma kana zvivanda saka vave kupota vachindirwisa vachibatsirana nezvidhoma zvinondiita mudzimai,” vanodaro.

Mudzimai uyu anotizve kunze kwekunzwa achishinhwa naye, anorumwa kusikarudzi nezvinhu zvisingaonekwe, ozoguma oridza mhere nekurwadziwa.

“Ndinotanga kunzwa kurumwa kuzasi uku, ndozonzwa chinhu chinopinzwa mukati kunhengo dzangu dzakavandika kunosvika muhura huchiita sehunoda kudhonzwa.

‘‘Panguva iyoyo, mwana wangu mudiki anoyamwa uyo ave kusvitsa makore maviri anotangawo kuchema achibata kuzasi kwake, kureva kuti anorumwawo,” vanodaro.

Mai Munyuki vanoti kuburikidza nematambudziko aya, vanoita weti yakatsvuka zvikuru uye inopisa.

Vanoti vanoenda kumakiriniki nekuzvipatara pasina zvinoonekwa. Mudzimai uyu anoti anoyamwiwawo nezvinhu zvaasingaone zvinogarawo zvichiita kuti mazamu ake arwadze, kuzvimba nekubuda mukaka unonhuhwa.

“Ndinoti pandinenge ndichiyamwisa mwana – ndomboti zamu rangu rekuruboshwe – ndinotonzwa zvichiyamwawo zamu rimwe racho. Kureva kuti ndinenge ndichiti ndiri kuyamwisa mwana nezvidhoma izvi pamwe chete izvo zvinoita kuti mwana wangu agare achirwara,” vanodaro Mai Munyuki.

Vanoti zvakare vave kugara vachirwadziwa nechibereko icho chinoita sekunge chichabuda kunze.

“Murume wangu anoita mabasa emawoko, mari shoma yaanowana yapera nekufambira dambudziko iri izvo zvaita kuti titadze kuwirirana mumba. Bonde nemurume handichaita, tatova nenguva refu.

“Ndinoda kubatsirwa padambudziko iri. Ndapedza n’anga nemaporofita pasina chimuko, imba yangu yave kuparara,” vanodaro.

Mudzimai uyu paaiita hurukuro neKwayedza, akatanga kurwadziwa ndokubata padumbu achiti aitenge ave kuitwa bonde naye zvikapa kuti amboita nguva achishanyarika nekurwadziwa achibata kunhengo yake yakavandika uye achichema.

Ipapo, akabva atomira kuyamwisa mwana achiti rimwe zamu rake rakanga rave kuyamwiwa nezvidhoma zvisinei kuti mutori wenhau aisaona zvinhu zvacho.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waMai Munyuki.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanoti dambudziko rine mudzimai uyu rinoda kuti abatsirwe nekukasika.

“Regai tigotsvaga nyanzvi dzedu, dambudziko raamai ava rinopera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links