Uncategorized

zvidhoma zvorwa shanje

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
zvidhoma zvorwa shanje

Kwayedza

— ‘Ini ndinodzingwa pamubhedha’
— ‘Mukadzi orarapo nezvikwambo’

Kingstone Mapupu —
IYI ndiyo inonzi miyedzo chaiyo! Wozviroorera mudzimai akanaka uchiti wawanawo wekupakurirana naye rudo, asi wozotadziswa kunyatsosasana nemukadzi uyu nekuda kwezvidhoma zvine shanje – pose paunoda kuita naye bonde kana kutsvoda “madhamu”, iwe murume unorohwa zvekurohwa zviya.

Zvekutosiiwa wapera basa, watofinhikana!

Izvi ndizvo zvinonzi zviri kuitwa murume wechidiki wekwaMangwende, kwaMurehwa uyo anoti haana kusiyana nebhachura risina mukadzi sezvo achiti zvidhoma zviri kumuitira shanje kusvika pakuti hazvimutendere kuenda pabonde nemudzimai wake sezvo pose paanoda kuita izvi, anozvambaradzwa nembama, zvibhakera kana kutemwa nematombo.

Kunze kwaizvozvo, murume uyu anotizve husiku paanenge oda kupinda nemudzimai wake mumachira, anoona mombe hombe iyo inovhura gonhi, yopinda mumba mavo umo inosvikomira yakavatarisa, yozobuda painenge yotoda.

FORTUNATE MATIKA

Farai Munanairi (35) uyo anogara mubhuku rekwaChibvongodze, anoti akatotiza pamusha pake zvose nemudzimai wake – Fortunate Matika (20) – nekuda kwekungorohwa nezvinhu zvavanoudzwa kuti zvidhoma.

Pamusoro pemba yavo vanonzwa sepanokandwa matombo uye pachivanze panomwaiwa jecha nemarara.

“Ini ndakangofanana nebhachura nekuti handikwanise kuenda pabonde nemudzimai wangu, ndinorohwa zvekuti munondinzwira tsitsi imi. Patinorara husiku, ndikangoda kuti ndiite zvebonde nemudzimai wangu bedzi, ndinorohwa zvakaomarara nezvinhu zvandisinganzwisise izvi. Ndinodhonzwa kubviswa pandirere nemukadzi wangu ndokandwa pasi pemubhedha.

“Ndinobva ndaona chimurume chipfupi chava kutoshereketa ndicho nemudzimai wangu,” anodaro Munanairi.

Anoti dzimwe nguva kunouya varume vapfupi vaviri avo vanopinda mumba nechisimba, mumwe wavo otanga kushinha nemudzimai wake.

“Pamwe pacho, pandinoona zvirume izvi, ndinobva ndangokotsira ipapo zvekuti zvinozosara zvichiitwa kumudzimai wangu handizvione.”

Murume uyu anoti zvakare zvinhu izvi zvinovatorera kudya kana vakanonoka kubika, izvo zvave kuita kuti vabike chikafu kuma4 zuva rodoka. Zvinonzi zvinokandawo matsito mudenga asingazivikanwe kuti anobvepi.

“Hatina rugare pano, tave kugara mumamana nekutya kurohwa. Fanika ini, hazvidi kundiona ndichisvika padyo nemudzimai wangu. Ndave kutoita zvekumurota mukadzi uyu, nguva zhinji tinorara nenzara tarohwa,” anodaro Munanairi.

Dambudziko iri rinonzi rakatanga mukupera kwegore ra2016 apo zvinonzi zvidhoma izvi zvakatanga nekugogodza gonhi zvichipotsera matombo pamusoro pemba.

“Rimwe zuva dhoo rakachekwa ndichitoona asi ndikatadza kuona munhu aiita izvi. Kwese kwatinofamba ndinonzi mudzimai wangu mukadzi wezvikwambo izvo zvinonzi ndizvo zvinondirova,” anodaro Munanairi.

Anoti kwavanofamba anoudzwa kuti mudzimai wake akaitwa mudzimai wengozi kana kuti wezvidhoma zvekumusha kwake.

“Mudzimai wangu anonzi anofamba nenyoka muchiuno iyo akapihwa nevekumusha kwake. Ane nyora dzakazara muviri wake dzinoda kuparwa. Mudzimai uyu haazive baba kana amai vake sezvo vakafa achangozvarwa,” anodaro Munanairi.

KURATIDZA NYORA

Matika anotsinhira kuti anoona murume wake achikandwa kwakadaro, iye osara achiitwa mukadzi nevarume vaasingazive.

“Murume anotouya ndakasvinura, osudurudzira murume wangu kure, iye orara pakati pedu, otoita zvaanoda neni ini ndichitadza kumurwisa. Murume wangu anobva apera simba, kuita semunhu afenda.

“Zvinonzi izvi zvakabva kumusha kwangu nekuti ndinonzi ndinoroya, ndine nyora dzakawanda idzo dzinonzi dzinoda kuparwa,” anodaro.

Mukadzi uyu anoenderera mberi: “Ndinonzi ndakapihwa murume wechikwambo izvo zvisingade kuti ndisangane nemurume wangu. Kwese kwatinofamba ndinobatwa kuti ndinofamba nenyoka muchiuno asi ini handiione.

“Ndakaparadzika nhumbu dzinokwana 6 dzaingoita mwedzi mishoma dzobva dzabva. Rimwe dambudziko nderekuti tinonzwa mutsindo mukuru wevanhu vanomhanya vachitenderera musha wedu.”

Anotiwo mumba mavo munopinda shiri yemhando yemuremwaremwa ine musoro unenge wekatsi.

“Takatotiza pamba tichienda kwasahwira vedu. Ndikaudza vekumusha kwangu havabvume kundibatsira, vanototi dzokera kumurume unogara,” anodaro.

Mbuya Annah Giri (50), avo vanova sahwira wemhuri iyi, vanoti ndivo vave kuchengeta Matika nemurume wake kumba kwavo.

“Murume uyu haachaziva mudzimai wake, anorohwa zvakaomarara akangoda kumupa rudo. Achatofa nekurohwa nezvidhoma,” vanodaro.

Sabhuku VaKingstone Chibvongodze (42) vanotsinhirawo dambudziko rakatarisana naMunanairi nemudzimai wake vachiti vanoda kubatsirwa.

“Tinoti kana kune vanokwanisa ngavabatsire mhuri iyi,” vanodaro Sabhuku Chibvongodze.

Theresa Nyagadzi (35) anoti pavakanzwa nezvedambudziko remhuri iyi, vakafamba navo kwakasiyana uko vari kubatsirwa.

“Dambudziko ravo hapana asingarizive muno, ndiri kumbofambawo navo kuvanhu vanobatsira,” anodaro.

VaJoseph Chibvongodze (38) vanoti aya mabasa ane chekuita nehuroyi.

Votaura nezvemashura aya, Sekuru Jonathan Shonhiwa – avo vanonyanya kuzivikanwa nekuti Sekuru Mupamombe vekuChiredzi – vanoti Matika mukadzi wezvidhoma kana kuti akaroodzwa kungozi.

“Murume uyu gumisiro yake achauraiwa nezvikwambo izvi kuti zvisare zvichisasana nemudzimai wake pamadiro.

“Vanoda kubatsirwa vakwanise kugara semurume nemudzimai. Dzimwe nguva zvidhoma izvi zvinogona kuita shaisano zvouraya mukadzi uyu,” vanodaro.

Vanoda kubatsira vanoridzira nhare dzinoti 0779 967 581 kana 0782 689 798.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey