Uncategorized

Zvido zvenyika pamberi:ZNA

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naYvonne Chipato
MAUTO eZimbabwe National Army akazvipira kushanda nesimba mukudzivirira pamwe nekuchengetedza nyika kuburikidza nekuzvibata nekuisa zvido zvenyika pamberi.
Mashoko aya akataurwa svondo rapera naMajor Enock Chivhima pavaigadzwa semukuru we1 Commando Regiment vachitsiva Colonel Donnie Washington Chidawanyika.

“Ndicharamba ndakachengetedza chisungo chekuti semauto, tinofanira kuramba takamira mukuchengetedza nyika nerunyararo uye tsika dzakanaka muchiuto. Semauto, hatina sarudzo yekukundwa pane zvese zvatingada kuita mukuchengetedza runyararo munyika pamwe chete nekuita basa redu nemazvo. Ndinovimbisa kuti nevandinotungamirira ava, tichashanda pamwe chete kuramba tichivandudza zvinangwa zvedu zvatakapindira basa rechiuto,” vakadaro.

“Ndinotarisirawo tsika dzakanaka, kuzvipira nekushanda pamwe chete kwemauto edu mukuzadzikisa zvido zveZimbabwe National Army pamwe chete neZimbabwe Defence Forces. Ndinotendawo vemabhizimisi vatinoshanda navo mukuvandudza magariro nemararamiro akanaka emauto neveruzhinji ndichiti ticharamba tichibata tese mukusimudzira nyika.”

Col Chidawanyika vakatsinhirawo mashoko aya vachiti: “Chido chedu chekuchengetedza nyika yeZimbabwe chicharamba chiripo uye ndinoti kumauto murambe makashinga mukubata basa rakanaka.”

Chiitiko ichi chakatsigirwa nevemabhizimisi vanosanganisira Nyaradzo Funeral Services, First Mutual neG-Tel.

Share This:

Sponsored Links