Zvikamu zvitatu zvengano

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

MAVAMBO

Ngano dziri muboka reuvaranomwe hwemutaurwa, uye dzakaumbwa nezvikamu zvitatu zvinoti mavambo, pakati uye magumo. Ngano zhinji dzaitanga zvakada kufanana sekuti, Kwaivepo . . ., Kune imwe nyika iri kure kwazvo . . ., Ndokunge ari mumwe murume nomukadzi wake . . ., Kare kare kwazvo . . ., Naiwayo mazuva kwaive . . ., Kareko zvako . . .

Matangiro mazhinji engano ndeekuti sarungano aiedza napose paaigona kukwezva vateereri vake kuti avatore kuvaisa munyika yekare kare kana iri kure kwazvo uko zvinhu zvose zvaigona kuitika. Izvi zvaibatsira kuti kana vana vaudzwa nasarungano kuti Kare kare kwazvo munyika iri . . ., vana havaizoita simba rekubvunza mibvunzo kuna sarungano maringe nezvavaitaurirwa izvo zvaigona kuzopesana nezvainge zvichionekwa navana muupenyu hwavairarama mazuva ose.

Nokudaro, kudhonzera vana kunyika iri kure, uye yakare kwainge kwakakosha chose pakupa dzidziso inovaka upenyu hwavana pasina kukakavadzana pakati pasarungano navateereri vake.

Pamavambo engano ndipo zvakare panoburitswa mamiriro anenge akaita zvinhu mungano sokuti dambudziko richasanganikwa naro murungano rakafanana nenzara kana kushaikwa kwembereko nemhuri.

PAKATI

Pakati pengano ndipo paiburitswa dingindira rengano pamwe chete neunhu nezviito zvevatambi vose vainge vari mungano. Apa paiburitswa zvakare kushaikwa kwezvinhu zvinove zvaizoita kuti pave nedambudziko sokuti mhuri yaigona kushaya mwana zvoita kuti mumwe afunge kuita mwana wokuumba kana kutsvaga wemhuka, asi zvaizounza mamwe matambudziko kumberi.

Mune dzimwe ngano, pakati ndipo panofambwa nzendo mushure mekunge mumwe wevatambi vari mungano apihwa muko uyo waanenge asingafanire kutyora, saka kufamba rwendo uku kunoita kuti atyore muko waanenge apihwa.

Mungano zhinji nyakutyora muko anoedza kugadzirisa zvinhu, asi pakupedzisira anokundikana zvinove zvinoita kuti awane zvinhu zvakaita manyama amire nerongo.

Izvi zvinojekesa kuti pakati pengano ndipo panobuda makakatanwa, uye matambudziko akasiyana-siyana anoitika.

MAGUMO

Ngano dzaipera zvakasiyana-siyana zvichienderana nasarungano wacho.

Kazhinji vanasarungano vaipedza vachishandisa mazwi akadai, ndipo pakafira sarungano, ndipo pakaperera sarungano, ukazove mugumo werungano, saka nanhasi gudo richigara mugomo.

Vamwevo vanasarungano vaipedza ngano nenziyo dzinove dzaishandiswa pamagumo erungano; idzi dzainzi nziyo dzekupunza sezvo dziri idzo dzaiita kuti rungano rwuchipera.

Nguva zhinji pamagumo erungano vanyangadzi (vatadzi) vairangwa, kupiwa mutongo wakaomarara, kuurawa kana kuwira mumatambudziko.

Izvi zvinobva pazivo yekuti chimwe chinangwa chengano chaive chekuda kudzidzisa vana mabasa akanaka aiita kuti vayemurike munharaunda, uye kugona kugarisana navamwe zvakanaka.

Vaye vanenge vaita mabasa akanaka pamagumo engano vaipihwavo mibairo yakafanana namadzimai kana kuitirwa zvimwe zvinhu zvikuru zvaiyemurwa nenharaunda dzavo.

Kurangwa kwevanyangadzi mungano kwaibva kwazadzisa pfungwa huru inobudiswa mungano kuti munyangadzi kunyange akaita zvakaipa sei, asi pakupedzisira aizorangwa chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>