Zvikoro 1500 zvoongororwa

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Zvikoro  1500 zvoongororwa

Kwayedza

— Tinoda kuziva mafambiro emari: Dokora

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo riri kuita ongororo pamusoro pemashandisirwo emari nezvikoro zvinosvika 1 500 kumativi mana enyika.

Dr Dokora vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMashonaland Central mudare reSenate, Senator Damian Diamonds Mumvuri.

Sen Mumvuri vaida kuziva kana zvikoro zviri kuita zvirongwa zvakasiyana zvekutsvaga mari (fund raising) zvinenge zvapihwa mvumo nebazi redzidzo.

“Chekutanga, ndinoda kurumbidza bazi redzidzo nekutora matanho akananga kubatsira vabereki kuti vasatorerwe mari yavo zvisina tsarukano nevamwe vakuru vezvikoro pamusoro pemari dzavanobhadhara. Bazi iri rakarambidza zvimwe zvaiitwa nezvikoro sekubhadharisa vana vanenge vachitsvaga nzvimbo dzeForm 1 mari yemaentrance test ayo asisiko.

“Asi, ndinoda kubvunza gurukota rebazi iri kuti bazi ravo ndiro here rinopa mvumo kuzvikoro kuti zviite zvirongwa zvekutsvaga mari patemu yoga-yoga? Pamusoro pezvo, bazi iri rinozoona here kuti mari inenge yaunganidzwa inoshandiswa nemazvo?” vanodaro.

Dr Dokora vanoti pasi pemutemo, zvikoro zvisati zvatanga kuita zvirongwa zvekutsvaga mari, zvinofanira kupihwa mvumo nebazi ravo.

“Ichokwadi kuti chirongwa chipi zvacho chekutsvaga mari pachikoro chinofanira kuzoitwa chikoro ichocho chapihwa mvumo naDistrict Schools Inspector kana nehofisi yaProvincial Education Director, saka hazvina mubvunzo izvozvo. Chechipiri, muna 2015 takazivisa kuti zvikoro zvose zvinofanira kunge zvichiongororwa mashandisiro azvinenge zvichiita mari,” vanodaro.

Dr Dokora vanoenderera mberi vachiti: “Mugore rino ra2017, vaongorori vemari vedu (auditors) avo vari pakati pe60 ne70 vari pabasa rekuongorora mashandisirwo ari kuitwa mari izvozvi. Tiri kuedza kuti tiongorore zvikoro zvinosvika 1 500 munguva pfupi iri kutevera.

“Tinoda kuzoenda kumapurovhinzi ose kuitira kuti tiongorore zvikoro zvisati zvamboongororwa kwemwedzi mitanhatu yadarika zvichienda mberi.”

Dr Dokora vanoti ongororo iyi iri kuitwa nedonzvo rekuona kuti mari yose inenge yabviswa pachikoro iri kushandiswa nemazvo.

“Saka tiri kuziva basa ratinofanirwa kunge tichiita. Kana tichinge tabvumira zvikoro kuti zviite zvirongwa zvekutsvaga mari, tinofanirawo kuona kuti iri kushandiswa sei,” vanodaro Dr Dokora.

Vachipindura mumwe mubvunzo waMambo Nyangazonke (Constituency Representative), Dr Dokora vanoti varairidzi vanotarisirwa kunge vari pabasa ravo panguva yavanotarisirwa kunge vachishanda.

Mambo Nyangazonke vaida kuziva matanho anotorwa nebazi iri kuvaraidzi vanosiya basa ravo zvisina tsarukano zvakaita sekurega kudzidzisa vana vachienda kunonhonga madora.

“Ndinoda kuti ndizive chirango chinopihwa kuvararidzi nevamwe vashandi veHurumende vanosiya basa ravo vachienda kunonhonga madora sezviri kuitwa kune zvimwe zvikoro,” vakadaro apo vamwe vaive mudare iri vakati bvuu kuseka.

Dr Dokora vanoti kunyangwe zvazvo madora kuri kudya kunovaka muviri, varairidzi vanofanira kuita basa ravo panguva yavo, kwete yavanotarisirwa kunge vachishanda.

“Madora kudya kunovaka muviri zvikuru. Semaonero angu, tinofanira kuongorora mafambiro ari kuita zvinhu pachikoro ichi. Ndinovimba kuti mose mune ruzivo rwekuti tiri kuita zvirongwa zvekupa vana zvekudya muzvikoro uye kune dzimwe nharaunda usavi hwavo hunobva kuvagari venharaunda iyoyo. Saka handikwanisi kunyatsopa mhinduro yakazara pamusoro pemubvunzo uyu kusvikira taziva chaizvo zviri kutora nzvimbo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kumunhu wekunze asingagari munharaunda iyi, anogona kuona sekuti maticha ari kuita basa rekunhonga madora, asi ngatitangei tanzwisisa mamiriro akaita nyaya yacho.”

Share This:

Sponsored Links