Zvikoro 17 zvitsva zvotanga kuvakwa

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Zvikoro 17 zvitsva zvotanga kuvakwa Prof Mavima

Kwayedza

Walter Mswazie
HURUMENDE yakatanga kuvaka zvikoro 17 zvepuraimari pasi pechirongwa chiri kutsigirwa nehomwe yeOPEC Fund for International Development (OFID) izvo zvinoenderana nekuvandudzwa kuri kuitwa dzidzo munyika kuburikidza neNew Curriculum.

Muhurukuro mushure mekutaura kuruzhinji pamusoro peNew Curriculum apo vaive kuGreat Zimbabwe University, kuMasvingo svondo rapera, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari – Professor Paul Mavima – vanoti basa rekuvakwa kwezvikoro zvitsva izvi riri kufambira mberi zvakanaka.

Vanoti Hurumende ine chinangwa chekuvaka zvikoro 2 000 zvitsva munyika yose kwemakore mashanu ari kutevera.

“Takatotanga kuvaka zvikoro 17 munyika yose pasi pechirongwa chehomwe ye$20 miriyoni OPEC Fund for International Development. Tinotarisira kuti zvikoro izvi – izvo zvizhinji zvacho zviri padanho reslab level – zvinge zvapera kuvakwa mumwedzi waGunyana,” vanodaro Prof Mavima.

“Takaparura zviri pamutemo kuvakwa kwezvikoro izvi pane chimwe chikoro chepuraimari kuPlumtree, kuBulilamangwe, uye tine hurongwa hwekuvaka zvikoro 2 000 mumakore mashanu anotevera,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti mushure mekupedza kuvaka zvikoro 17 izvi, Hurumende ichavaka zvimwe zvikoro 100 munyika yose pasi pechikamu chinotevera.

“Tichatanga chikamu chechipiri chekuvaka zvimwe zvikoro 100 pasi pechirongwa chimwe chete cheOFID uye tinotarisira kuti homwe yemari iyi ichawedzerwa kusvika pa$40 miriyoni. Tichange tichitsvaga zvimwe zvekushandisa zvinodiwa mudzidzo, kunyanya kunzvimbo dziri kure.”

Prof Mavima vanoti kambani yeOld Mutual yakazvipira kubatsira mukuvakwa kwezvikoro izvi apowo nyika yeQatar ichiratidza kuve nechido chekutsigira chikamu chedzidzo muZimbabwe.

Danho reQatar iri, vanodaro Prof Mavima, rinotevera kuenda kwakaita mutungamiriri wenyika President Mnangagwa kunyika iyi nguva pfupi yadarika apo vakaita hurukuro dzekusimbaradza kudyidzana pakati peZimbabwe neQatar.

Prof Mavima vanoti bazi ravo rakatopa mabhuku ekuverenga 3 500 ari pamusoro peNew Curriculum kuzvikoro pasi pehomwe ye$9 miriyoni. Mabhuku aya, zvisinei, haasanganisire edanho reGrade 4.

Vanotizve New Curriculum ine donzvo rekuti dzidzo ive inoenderana nezvinodiwa mubudiriro yenyika uye curriculum yakare yakange isisafambirane nenguva.

“Curriculum yakare yakange yashandiswa kwemakore anosvika 75 uye ruzivo rwacho rwaingove rwunoenderana nemazamanishoni chete. Yaingove kudzidza chete pasina ruzivo rwemabasa emaoko izvo zvaiita kuti vadzidzi vanenge vachiburwa vasakwanise kubatsira zvizere mubudiriro yenyika,” vanodaro.

Prof Mavima vanoti kune zvimwe zvikoro zvekumaruwa zvinoratidza kuti zvichakasarira nemakore anosvika 40 munyaya dzebudiriro, izvo vanoti zvinogona kunge zvakakonzerwa nedzidzo yekare (old curriculum).

Prof Mavima vanosimbisisa kukosha kwedzidzo ine pundutso vachiti zvikoro zvose zvinotarisirwa kusimudzira dzidzo yevakuru pamwe neyemabasa emawoko sezvinoenderana neNew Curriculum.

Vamwe vaive pagungano iri vanosanganisira Great Zimbabwe University Vice Chancellor, Professor Rungano Zvobgo, vamiriri vemakambani akasiyana nevakuru kubva kubazi redzidzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey