Zvikoro 2000 zvichavakwa

09 Jun, 2014 - 15:06 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE ine hurongwa hwekuvaka zvikoro 2 056 munyika yose kuti zvinge zvichikwanirana nehuwandu hwevana.
Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, svondo rapera mudare neNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weGokwe Nembudziya mudare iri, Cde Justice Mayor Wadyajena.

Cde Wadyajena vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukuedza kupedza dambudziko rekushomeka kwezvikoro pamwe nezvimwe zvinoshandiswa pakudzidza kwevana kuzvikoro zviri kumaruwa.

Cde Dokora vakati bazi ravo rakaita ongororo yehuwandu hwezvikoro munyika yose ndokuona kuti zvishoma pane zvinodiwa.

“Pari zvino panofanirwa kuvakwa zvikoro 2 056 uye pakati pazvo pane 1 425 zvinova mabandiko (satellite schools) zvinosanganisira Buno Primary School, chinova bandiko reMhumha Primary neNyatso Secondary School (izvo zviri kuduhunhu reGokwe Nembudziya),” vakadaro Cde Dokora.

Vakati bazi ravo rine hurongwa hwekusimudzira kuvakwa kwezvikoro izvo zvasiyana nekungotaura nje-e kwemamwe masangano akazvimirira emaNGOs.

Cde Dokora vakati chinangwa chebazi ravo ndechekuti vagadzirise matambudziko ekushomeka kwezvikoro kuburikidza nerutsigiro rwenyika yose, kusanganisira makambani akazvimirira.

Vakati bazi ravo rakaita musangano gore rapera muna Zvita, weNational Schools Infrastructure Conference Expo, uyo wakapindwa nemapoka akasiyana-siyana anoona nezvedzidzo.

Cde Dokora vakati zvichitevera musangano uyu, bazi ravo riri kushanda pamwe chete nemapoka akatsaukana kuti ange achibatsira mukuvakwa kwezvikoro.

“Bazi redu riri kushanda nebhanga reInfrastructural Development Bank of Zimbabwe kuti pavambwe homwe inosimudzira zvikoro, yeSchools Infrastructure Fund,” vakadaro Cde Dokora.

Vakati vari kuita hurukuro zvakare nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuti ringe richibatsira mukusimudzirwa kwezvivakwa zvezvikoro, kusanganisira kuwana rutsigiro kune nyika dzinodyidzana neZimbabwe.

“Bazi redu zvakare riri kutarisa mashandiro emaSchool Development Committes kuitira kuti mari inobhadharwa pachikoro ishandiswe mukusimudzira chikoro chete,” vakadaro Cde Dokora.

Share This:

Sponsored Links