Uncategorized

Zvikoro 7 zvakaparadzwa

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Zvikoro 7 zvakaparadzwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAMWE vana vezvikoro zvinokwana zvinomwe kudunhu reBuhera South vari kudzidzira panze zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa dzimba dzekudzidzira nemvura yaiva nedutu iyo yakanaya nguva pfupi yadarika. Mumiriri wenzvimbo iyi mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vakatsinhira nyaya iyi vachiti mamiriro ezvinhu aya ave kudzosera dzidzo mudunhu iri mumashure.

“Tine zvikoro zvakaparadzwa nemvura marata akaenda, mimwe midhuri ikadhiritswa. Izvozvi vana vari kudzidzira panze izvo zvakonzera kuti vadzidzisi vasiyanise nguva inouya vana vamwe vachidzidza kubva mangwanani kusvika masikati. Vamwewo vari kutanga masikati vachipedza zuva rodoka.

“Zvikoro izvi ndezvinoti Mabhoko Primary, Nyadi Primary, Mutepfe Primary, Neshumba Primary, Muchini Primary, Zangama Primary neDzaramba Primary,” vakadaro Cde Chinotimba.

Vanoti kune zvikoro zvakare zvisina magetsi zvichitevera kupunzwa kwakaitwa mapango etambo dzemagetsi nemvura yaive nedutu iyi.
“Kunze kwazvo, tine zvikoro zvizhinji zvisina magetsi, mapango acho akapunzirwa pasi zvikuru kuno kwaMushongwi magetsi achibva adzima.

Ndakazonotaura neveZesa vekuChipinge avo vari kuita basa rekumisa mapango aya uye mumataundishipi akapoteredza zvakare hamuna magetsi nekuda kwedambudziko iri,” vakadaro.

Vanoti panodiwa mari inosvika $500 000 kuti zvikoro zvakaparadzwa izvi zvivandudzwe.
Zvakadaro, Cde Chinotimba vanoti zvikoro zvinosvika danho reForm 6 mudunhu ravo zvishoma nekudaro zvinoda kuwedzerwa.

“Tine zvikoro zveForm 6 zvina chete mudunhu rangu izvo zvinoti Mutiusinazita Secondary, Muzokomba Secondary, Chabata Secondary neDevure Secondary uye zviri kure nekure zvekuti vamwe vana vanoguma varega kuenda kuchikoro nekuda kwekutadza kufamba,” vakadaro.

Vanoti mudunhu mavo mune zvikoro 68 zvepuraimari ne18 zvesekondari izvo vari kushingaira kuti zviwedzerwe kuti zvikwanirane nehuwandu hwevana.

Share This:

Sponsored Links