Zvikoro zvopihwa mabhuku matsva

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Zvikoro zvopihwa  mabhuku matsva

Kwayedza

Abigail Mawonde—

HURUMENDE yakatenga mabhuku ekuverenga 2,3 miriyoni evana vechikoro neevarairidzi ayo anokosha mari inodarika $3,5 miriyoni rinove danho richasimudzira kufambiswa nekukasika kwechirongwa cheNew Curriculum.

Vachitaura svondo rapera apo vaiparura zviri pamutemo kuwaniswa kwemabhuku aya vari kumuzinda weUnited Nations Children’s Fund kuWillowvale, muHarare, uko ari kuchengeterwa, gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima vanoti mabhuku aya achapihwa kuzvikoro pasi pezvikamu zviviri.

“Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinoda kuzivisa nyika nevamwe varinodyidzana navo pamusoro pekuwaniswa kwemabhuku ekudzidzisa nedonzvo rekufambisa nemazvo chirongwa cheNew Curriculum,” vanodaro.

“Kuwaniswa kwemabhuku aya kuchaitwa kuburikidza nezvikamu zviviri. Pasi pechikamu chekutanga, mabhuku ekuverenga evana anosvika 2 340 000 neevaraidzi 72 200 akatengwa.

“Kubva pamabhuku aya, 1 170 000 evana ekuverenga ne36 100 evaraidzi akaendeswa kuzvikoro 3 123 zvakatekeshera nenyika. Mari inosvika $3 583 140 yakashandiswa kutenga mabhuku aya,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoti pakutengwa kwemabhuku aya, bazi ravo rakatarisawo vana vasingaone sezvo vachida mabhuku avo emhando yeBraille.

“Bazi redu riri mushishi rekunyora mabhuku 12 emhando dzakasiyana ekuverenga neevaraidzi achiiswa muBraille,” vanodaro.

Zvikoro zvinosvika 5 594 zvinotarisirwa kubatsirika pasi pechikamu chekutanga chekuwaniswa mabhuku aya.

Chikamu chepiri, vanodaro Prof Mavima, chakatotanga.

“Pane hurongwa hwekutenga zvekushandisa muzvidzidzo zveSainzi nezvekurima nedonzvo rekutsigira STEM (Science, Technology, Engineering and Masthematics) pasi peNew Curriculum,” vanodaro Prof Mavima.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakamirira bazi redu, ndinoda kutenda vose vatinoshanda navo pamwe chete nenyika nerutsigiro rwatiri kuwaniswa apo tiri kusimudzira kuwanikwa kwedzidzo yemhando yepamusoro.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey