Uncategorized

Zvikoro zvovhurwa

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Zvikoro zvovhurwa Macounter book

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

RINONGOVA besanwa svondo rino muguta reHarare apo vabereki vari kugadzirira kuvhurwa kwezvikoro temu yechitatu nemusi weChipiri chiri kuuya.

Vanhu vari kuita chipatapata mumazuva ekupedzisira vachitenga zvakasiyana semayunifomu nemabhuku echikoro.

Mitengo yemabhuku, zvinyoreso, mishonga yeshangu, mayunifomu, mbatya dzemitambo, zvekudya nezvimwe yakakwira izvo zvasiya vabereki vachinyunyuta.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vabereki avo vakapa mafungiro avo.

“Tiri padambudziko guru, zvikuru kuvana vanodzidza kumabhodhingi nekuti tichada kutenga girosari repamba, tozoti rekuchikoro zvino zvese zvakakwira. Kune vana vanodzidza munharaunda, zviri nani nekuti tinogona kuonera pamwe chete.

“Macounter book akakwira kubva pa$1 kusvika pa$1,25 temu yapera kuenda pa$3,20 rimwe chete apowo 2 liters yezvinwiwa yaisiita $2,50 temu yapera yava pa$2,80 kusvika $3,20.

Mayunifomu

“Izvi hazvichaenderana nehomwe dzedu zvachose,” vanodaro VaNevson Vengesai vekuGlen View, muHarare.

Vanoti munguva zhinji vanotopona nekutenga zvepanze pezvitoro sezvo zvakareruka mutengo kana zvichienzaniswa nezvemuzvitoro.

Vamwe vabereki ndivo vanoti vave kusarudza kutenga zvinhu zvakanyanya kukoshera vana senzira yekuderedza kushandisa mari yakawanda.

“Kare taimbotenga zvinhu zvese zvese, asi iko zvino chakakosha kuti mari dzechikoro dzitange dzabhadharwa nenguva uye nemari yekufambisa neyechikafu. Kana ari mayunifomu, vanoshandisa avaive nawo temu yapera.

“Kana ivo vana tava kutombonogara navo pasi kuti vazive kuti zvinhu zvasanduka kuitira kuti vakwanise kuchengetedza uye kugutsikana netwushoma twatinowana sevabereki,” vanodaro Mai Susan Makota vekuChitungwiza.

Zvichakadai, VaMushama Zenda, avo vanotengesa maruva muAfrica Unity Square, muHarare, vanoti vanhu havafanire kuchema zvakanyanya asi kuti vape Hurumende itsva nguva yekugadzirisa zvinhu.

“Zvinhu zvese zviri kukwira kubvira pamidziyo yechikoro, kana iwo maruva atinotengesa pano nekuti pane mishonga inotengwa kunze kwenyika inoshandiswa kuti ange achikura zvakanaka.

“Asi ngatimirirei tione zvatichapakurirwa neHurumende itsva. Tinovimba zvichanaka, vana vedu vagozotakurawo mbuva yakanaka kuchikoro,” vanodaro.

Kuchiti VaEvans Mangwiro vanova director of operations kukambani inotengesa mbatya dzechikoro, yeEnbee vanoti mayunifomu avo mazhinji vanoasonera munyika muno, asi machira acho ndiwo avanotenga kunze kwenyika kunova kunodiwa mari yekunze.

Vanotizve mari yekunze iyi iri kunetsa kuwana, izvo zvinopedzisira zvaita kuti vakwidze mitengo yemayunifomu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>