Zvikwata zviri kundichemera: Wenger

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Zvikwata zviri  kundichemera: Wenger Arsene Wenger

Kwayedza

ARSENE Wenger anoti zvikwata zvakawanda zvauya kwaari zvichida kumutenga apo ari kugadzirira kubva kuArsenal iyo yaarairidza kwemakore anodarika 22.

Wenger acharairidza mutambo wake wekupedzisira apo chikwata chake chichasangana neHuddewrsfield musi weSvondo.

Paakabvunzwa kuti pane zvimwe zvikwata here zviri kuuya kwaari zvichida kumutenga kuti agozvirairidze, Wenger anoti, “Hongu, zvakawandisa chaizvo. Asi handisi kumbofunga nezvazvo kana kuzvitarisa. Ndinoda kuramba ndichishanda kuno kusvika zuva rekupedzisira rekondirakiti yangu.

“Zveshuwa ndicharamba ndichishanda. Njere dzangu dzinoda chaizvo kuti ndirambe ndichishanda. Asi chokwadi chaicho handizive. Ndinofanirwa kufunga nezvazvo. Ndinofarira huswa hunyoro uye ndinoda kufamba pahuri mazuva ose. Handizive kana ndikaramba ndichizviita mazuva anotevera, zvinogoneka.

“Ndine ruzivo rwakanyanya munyaya dzenhabvu. Saka ndicharamba ndichishanda, ndichiitei, handizive.”

Achibvunzwa kuti achazoshanda nechimwe chikwata chemuEngland here, Wenger anoti, “Panguva ino zvichiri kundiremera. Handitarise nguva iyoyo. Handidi kufunga nezvazvo panguva ino kana kutaura nezvazvo.” – SportsMail Football

 

Share This:

Sponsored Links