Zvikwereti zvamumomotera

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Zvikwereti zvamumomotera

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
Murume wekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wake achinzi abvise $180 pamwedzi yekuchengeta mwana mumwe chete, akazochema-chema achiti mari iyi yakawandisa sezvo ava nemumwe mukadzi nevana uye akamomoterwa nezvikwereti.

Tashinga Gambiza akamhan’arira Albert Mtandwa kuHarare Civil Court achida kuti abhadhare $180 yekuchengeta mwana wavo ane mwedzi mitatu yekuberekwa.

“Ndiri kuda $180 pamwedzi yekuchengeta mwana wedu ane mwedzi mitatu nekuti murume uyu hapana chaari kundibatsira nacho.

“Kubva zvandakabva kuchipatara, haasati abhadhara chikwereti chakasara saka akandipa mari iyoyo ndinokwanisa kuronga ndega kuti ndoita sei,” anodaro Gambiza.

Mtandwa anoti anokwanisa kubvisa $40 pamwedzi sezvo achitambira mari shoma, ane zvikwereti zvaari kubhadhara uye ane mumwe mudzimai nevana vaviri.

“Ndinokwanisa $40 pamwedzi nekuti ndinotambira mari shoma sezvo ndiine chikwereti chandiri kubhadhara uye ndine mumwe mukadzi nevana vaviri,” anodaro Mtandwa.

Gambiza anoti haanei nekuti Mtandwa ane mumwe mudzimai nevamwe nekuti iye pavakaita mwana aisazviziva, saka harisi dambudziko rake.

“Zvekuti une imwe mhuri nevana hazvinei neni nekuti patakaita mwana hauna kunge wandiudza kuti une mukadzi zvichireva kuti waiziva kuti unogona kuchengeta vose. Harisi dambudziko rangu iroro, waifanirwa kunge wakazvifunga kare. Ini ndiri kungoda mari yekuchengeta mwana wedu,” anodaro Gambiza.

Mutongi Larzin Ncube akati Mtandwa abvise $70 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>