Uncategorized

Zvimbokoma muchechi

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Zvimbokoma muchechi

Kwayedza

Vatendi vakatakwa nemabwe l Machira akapiswa neparafini

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
VARUME vasere vekwaZvimba vakamiswa mudare reChinhoyi Magistrate Court vachipomerwa mhosva yokukonzera bongozozo pachechi yeGuta raJehova apo vanonzi vakarova vamwe vanamati vachishandisa mapakatwa nematombo uyewo ndokupisa dzimba 31 vachirwira hukuru.

Midziyo yakaparadzwa pabongozozo iri inonzi inokosha $15 000.

Varume ava havasi kuramba mhosva iyi apo vakabvunzwa namutongi Letwin Rwodzi uye vachadzoka mudare iri munguva pfupi iri kutevera apo vachapihwa mutongo wavo.

Vasungwa ava ndiSimba Bob (43), Simbarashe Mandinyanya (30), Tafadzwa Kwenda (30), Timothy Gahadzikwa (31), Allet Mero, Saidi Phineas, Cain Sinewu (41) naCollin Lunga(29).

Muchuchisi Patson Chirambwi akaudza dare kuti chechi yeGuta reJehova yakavambwa naTheresa Chaza mugore ra1954 achibva apiwa nzvimbo yokunamatira naMambo Zvimba mubhuku rokwaHlohla, kwakare kwaZvimba.

Mugore ra1960, Chaza anonzi akabva ashaika zvinova zvakakonzera mhirizhonga muchechi iyi maererano nekuti ndiani aizotungamira pakati paAllan Zimuto naThompson Manhenga.

Zimuto anonzi ndiye akabva asara achitungamirira chechi iyi asi haina kunyoreswa zviri pamutemo neboka reZimbabwe Council of Churches.

Manhenga anonzi akatangawo chechi yake ine zita rimwe chetero rekuti Guta raJehova ndokuinyoresa neveZCC.

Machechi aya ose anoshandisa muzinda wokunamatira mumwe chete.

Muzinda uyu ndiwo unonzi wakakonzera kurwisana pakati pevanamati ava sezvo zvichinzi munhu akanamatira ipapo anoteverwa neminana nezviratidzo.

Muchuchisi Chirambwi akaudza dare kuti musi wa25 Zvita gore rapera, Manhenga akaronga nevateveri vake kunokiya ghedhi rekupinda pamuzinda wokunamatira achida kutadzisa Zimuto nevamwe vake kuti vasapinde.

“Zimuto aona izvi, akaedza nevamwe vake kushandisa ghedhi diki apo vakasvikirwa naManhenga nevamwe vake vakabata matombo, zvidhina namapakatwa vachideedzera kuti munhu ngaarohwe,’’ anodaro muchuchisi Chirambwi.

Panguva iyi, pachechi apa panonzi pakaitika bongozozo rakazoita kuti vamwe vanhu vaitsigira Zimuto vakuvare zvakaipisisa.

“Vamwe vevanhu vakakuvara vanosanganisira Elijah Gava uyo akakuvara mupimbiri, kumusana neruoko. Chipo Tokwe akakuvarawo ruoko, Stella Chaza naIsaac Mukuchukuchi ndokutemwa nematombo pazvipfuva,” anodaro muchuchisi Chirambwi.

Motokari dzevamwe vanamati dzinosanganisira Isuzu KB, Ford Bantam neToyota Wish dzinonzi dzakatemwawo nematombo pamhere-mhere iyi.

Manhenga anonzi akapfuurira mberi kutora machira anoshandiswa pakunamata nanaZimuto nemimwewo midziyo akaipisa achishandisa parafini.

Zimuto ndiye akamhan’ara nyaya iyi zvikaita kuti varume ava vasungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey