Zvimwe zvinoderedza goho

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Zvimwe zvinoderedza goho

Kwayedza

Simba Gotosa
MUZVIKAMU zvakadarika varimi takakupai mamiriro anenge akaita mwaka wa2017-18. Zvino taona zvakakodzera kuti  tikuyeuchidzei machengetero amungaite zvirimwa zvenyu kuti  goho rikure.

Chibage nesoyabeans zvirimwa zvinorimwa nguva imwe chete yemwaka zviri mumitsara yakapamhamha zvinokonzera kuti zvikwikwidzane nesora kutora fetireza yamunenge mashandisa. Varimi, zivai kuti chibage nesoya beans zvinokura zvishoma kupfuurwa nesora mumavhiki 6-8 ekutanga.

Sesora revave (shamva grass) rinogona kuderedza goho nezvikamu zviri pakati pe57-80%. Kune chirevo chinoti murimi akarega sora richiburitsa mbeu yaro kwegore rimwe, zvinoreva makore manomwe ekusakura.

Huipi hwesora kumbesa:

Sora rinoderedza goho nezvikonzero zvinotevera:-

  1. Rinorwidzana nembesa pakutora chikafu
  2. Rine simba rekubvutidzana mvura shoma inenge yanaya nembesa
  3. Rinogona kuvhunga/kuvharidzira mushana vakakosha kuchirimwa
  4. Rinounza zvirwere kumbesa
  5. Rinopa hudyi nepekuhwanda kutumbuyu (pest) zvozopa kuti zvidye mbeu, goho rodzikira.
  6. Midzi yemamwe masora inoburitsa chepfu inokanganisa kukura zvakanaka kwembesa, semuenzaniso bise (witchweed).
  7. Mhodzi dzemamwe masora dzinokanganisa kunaka kwembeu dzinokohwewa nemurimi, semuenzaniso tsine (blackjack) mudonje.

Masora anonyanya kunetsa muminda:

  1. Tsine (blackjack)
  2. Chowa (pigweed)
  3. Pfende (nutgrass)
  4. Tsangadzi (couchgrass)
  5. Sausi (rapoko grass)
  6. Chinzungu (Mexican clover)
  7. Vave (shamva grass)
  8. Kateve (morning glory)
  9. Bise (witch weed)

Murimi anoziva sei huwandu  hwemishonga yesora nemvura zvinomwaiwa pahekita (colibration):-

Zvinodiwa kuti calibration iite nyore:

  1. Tape measure – kuonesa hwasha hwechinoburitsa mushonga kumberi kwechigubhu (nozzle).
  2. Chiringazuva (watch) – kuonesa nguva inofambisa pandima inenge yatarwa
  3. 3. Measuring jug – kuonesa huhwandu hwemvura inoburitswa nenozzle

Matanho e calibration yechigubhu (knapsack):

  1. Zadzai chigubhu nemvura yakachena
  2. Pombai chigubhu kusvika chaguta movhura mvura kuti ibude ichipinda mumeasuring jug kweminute imwe chete (flow rate litres or minute) – tomboti tawana 1,2 litres per minute nekukura kwenozzle yatinayo.

iii. Chipomberaizve mvura pasi makasimudza nozzle 45 cm kubva pasi. Ngatishandise measuring tape kuona hwasha (swatch).

  1. Munhu akabereka chigubhu chizere ngaachifamba mumunda achiita seanomwaya mushonga kwemineti imwe chete. Izvi ngazvidzokororwe katatu tobva tazvienzanisa (average). Ngatimboti tawana 60m/minute.
  2. Kuwana mvura inoburitswa pahekita = (flow rate x 10000)

speed x swatch

*flow rate taiwana pa(ii)

*swath rate taiwana pa(iii)

*speed rate taiwana pa(iv)                                                          (1,2 X 10000)/(60 X 0,9)

= 222 litres

Mvura inoita 222 litres ndiyo ichamwaiwa pahekita imwe chete, nechigubhu ichocho uye nenozzle iyoyo iripo uye tichishandisa munhu iyeye akabereka chigubhu, pakawana chasanduka totanga calibration patsva.

Tomboti mushonga wesora Atrazine wakanzi pazvinyorwa zvakanamirwa pabhodhoro unodiwa 3.5lt/ha, muchigubhu tosanganisa mushonga wakawanda zvakadii?

l Chigubhu 16 litres

l Hekita inoda mvura 222 litres

l            Huwandu hweAtrazine pahekita 3.5lt/ha

Huwandu hwemushonga (Atrazine) pachigubhu 16 over 222 x 3.5 = 252m/s

Kutadza kuita calibration zvakanaka kune njodzi yeyi?

  1. a) Murimi anogona kushandisa mushonga wakawandisa pandima diki zvokuvadza homwe yake.
  2. b) Mushonga wakawandisa unogona kuvhiringidza kukura kwezvirimwa
  3. c) Mushonga wakawandisa unogona kuuraya tupukanana turi muivhu utwo tunodiwa nembesa.
  4. d) Mushonga ukamwaiwa uri mushoma hauuraye sora ratakanangana naro, murimi anotopedzisira aisa vanhu vekusakura zvobva zvauraya homwe yake.

Mishonga yesora

yakanakira chii?

  1. Chirimwa chakanangwa nacho chete ndicho chinobuda.
  2. Fetireza yose yamunenge mamwaya inoenda kuchirimwa zvokonzera mbeu dzakaita seSC719 neSC727 kuti dziite mashura adzo chaiwo ekunanavira kana kudarika goho re16t/ha

iii. Mwaka mizhingi mvura inonaya yava shoma saka kana munda wakachena mvura yakawanda inoenda kuchirimwa

  1. Nemishonga yesora hatikanganise ivhu repamusoro (top soil) iro rine udyi hunodiwa nechirimwa
  2. Munhu mumwe anofirita hekita pazuva izvo zvinorerukira murimi
  3. Zvirimwa zvinokura zvakanaka pamavhiki 6-8 anokosha ekutanga kana mvura ikaramba ichinaya inopa varimi nguva shoma yekusakura, asi nemishonga munhu mumwe anopedza ndima hombe nenguva diki

vii. Varimi vanowana nguva yekuzorora, vachigarawo zvakanaka vachishandisa mari yabva mukurima.

Yeuchidzo:

  1. a) Ngativerengei zvakanamirwa pamabhodhoro nezvipepa zvemishonga
  2. b) Mishonga ngaichengetedzwe pasingasvike vanhu, kunyanya vana (lock and key)
  3. c) Ngatipfekei nguwo dzekushandisa (protective clothing) semagirovhosi memagamubhutsu kana tichifirita mushonga

Munguva ino yekuti kumbondera kwemwaka kunenge kwava kunetsa, murimi anokurudzirwa kuti afarire minda yake ndiko kuti zvavanoshanda zvibude, uye ndiko kuti zvatinokukurudzirai isu vekuSEED CO zvibudirire pokupedzisira mowana punduso pakurima. Varimi ngatishandisei mishonga yesora ndiko kuti mbeu dzeNzou SC719, SC727 dzikupei goho rine mutsindo, dzeShumba SC633, SC 637 dzikupeyi goho rinodzvova. Avo vari kunopisa (natural region 3-5) regai mbeu dzeMbizi SC 513, 529, 533, dzeTsoko SC 403 kana dzeTsuro SC 301 dzikure makachenakuti matura enyu ati fashafashe kuzara.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>