Zvine zvazvinoreva: Mambo

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MADZIMAMBO nemadzishe vekuGokwe vanoti nyaya yemwanasikana anonzi akafa akamuka ndokuzofa zvakare kudunhu iri mashura anoda kuti kutsvagiwe chikonzero kuburikidza nekufamba pachivanhu.

Ashel Abigail Zananda (14), wemubhuku raSigali, anonzi akashaika nemusi wa8 Chikumi ndokuzomuka nemusi wa10 Chikumi apo aiva mubhokisi, asi ndokuzofazve zuva rimwe chetero. Mambo Chireya, VaHenry Chidzivo (46), vanoti havasati vamboona zvakadaro.

“Aya mashura, kuti munhu anofa mushure memazuva matatu onzi amuka! Pachivanhu zvine zvazvinoreva saka nyaya iyi inofanirwa kuti vemhuri iyi, madzisahwira nevatungamiriri vechivanhu, kusanganisira masvikiro emuno tifambe,” vakadaro Mambo Chireya.

Vanoti midzimu kana iine zvainoda kuzivisa veruzhinji zvinenge zvakanganiswa inokonzera mashura kuti vanhu vavhunduke vozoguma vatsvaga kwazvinenge zvabva nako.

Mashoko avo akatsinhirwa naIshe Nembudziya, VaSamuel Shamhuyenhanzva (51), vachiti vakashamiswa zvikuru apo vakapirwa nyaya iyi nemakurukota avo.

“Ndakaendako kunhamo iyi ndaudzwa kuti chitunha chaiva chamuka, ndakasvika mwana uyu akakombwa nevanhu achinzi amuka. Muno chishamiso chikuru chinoda kuti kuonekwe kuti zvakabva kupi. Zvinoda kufambirwa pachivanhu,” vakadaro.

“Nyaya iyi tichaigarira pasi nevakuru vakaita semasabhuku nevamwe toona kuti totsvaga machiremba nemaporofita kupi vatibatsire.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey