Uncategorized

‘Zvinhu zvavo izvo, zvichatowedzera, vachanditsvaga’

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
‘Zvinhu zvavo izvo, zvichatowedzera, vachanditsvaga’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MADZIBABA Steven Mugariri (41) vechechi yeJohane Masowe yeZambuko iri kuChitungwiza — avo vari kupomerwa neimwe mhuri yekuGokwe kuti vakaipa miteuro yave kukonzera matambudziko — vanoti mhuri iyi yakaromba uye zvinhu zviri kuvanetsa ndezvavo sezvo vakazvidzosera kwairi kuburikidza neinonzi “go back to sender”.

Vanoti go back to sender inzira inoshandiswa kudzosera mabasa akaipa sehuroyi kumuridzi wawo kuitira kuti zvitambudze iye, kwete munhu waanenge achida kuroya.

VaTichaona Nyakundivenga (42) nemhuri yavo vanobva kuGandavaroyi vanoti vakapihwa muteuro wematombo naMadzibaba Steven apo vakaenda kumasowe vachitsvaga kubatsirwa asi muteuro uyu ndokuvapandukira.

Madzibaba Steven vanoti havana chakaipa chavakaita kumhuri iyi, asi kuti vakadzosera chete zvakaipa zvavaiita kuvamwe.

“Murume nemudzimai wake vakauya kwamuri (veKwayedza) ava vachiti ndakavapa huroyi — zvikwambo nezvidhoma — handizvo. Ini handipe zvidhoma, ndiri mutumwa waMwari.

“Murume uyu ndiye baba asara kumhuri iyi sezvo vanhu vapera kufa nekuda kwekuromba kwake. Ndiye muroyi, vana vemukoma wake akafa ndivo vakamumanikidza kuuya kusowe kwangu kuChitungwiza ini ndikavaporofita nemazita avo apo vaida kurwisana. Ndakazovapa nhombo dzemuteuro nhatu idzo ndakavati vanonozora mafuta ndokuvapazve hoko yego back to sender iyo vakanocherera mumusha mavo. Ndizvo chete zvandakavaitira.

“Mushure memazuva, ndakazofonerwa nemwana wemukoma wacho anogara kuKwekwe achiti kumusha hakuchagarika, kune zvave kuonekwako,” vanodaro.

“Vachatoona zvakawanda, nyoka nemhuka dzavari kuona idzo zvichawedzera. Zvinhu zvavo.”

Madzibaba Steven vanoti mumusha wemhuri iyi muri kufiwa zvakanyanya nevanhu vasina kurwara, vanasikana havaroorwe uye kunyangwe vemhuri iyi vakadzidza zvakadii, havawane mabasa.

“Kuuya kwakaita mhuri iyi kwandiri vainangana huroyi uye iye akazouya kwamuri uyu, anova baba vasara, ndiye ari kunangwa nevamwe vake kuti apedza vamwe.

“Nhombo dzandakavapa idzi ndinodzitora kunyanza kuBeira, kuMozambique. Saka vanoreva here kuti nhombo dzandakayeresa nehoko chiwororo iyo yavakanorovera pamusha pavo ndizvo zvave kupinduka kuita zvidhoma nezvikwambo zvave kuvanetsa?”

Madzibaba uyu anoenderera mberi achiti, “Ndivo vapedza kuuraya vamwe kusvikira tagadzira musha uyu nekuda kwezvandakavapa. Nyoka inodarika pamusha iyo ndeyavo, yave kurwisana navo. Ndiyo zvakare inorara navo vose murume nemukadzi.

“Pamusha uyu zvakare, vave kugara vachitandaniswa nenyuchi izvo zvavasina kukutaurirai. Chikafu icho vari kushaya chiri kutorwa nezvidhoma zvavo zvave kuvarwisa,” vanodaro.

Madzibaba Steven vanoti zvakare pamusha uyu pari kuuya shiri hombe dzinenge madendera dzichivarwisa, izvo vanhu ava zvavasina kuudza Kwayedza.

“Kutiza musha kwavari kuita hapana chinogadzirika apa, zvichatodarika ipapo kudzimara vadura kwavakanotora mishonga iyi nezvikwambo zvavo.

“Vakandifonera vachiti huyai muzotora zvidhoma nezvikwambo zvenyu zvamakatipa ini ndikavati vadzoke vose semhuri ndichiziva kuti iye uyu haachada kana kuonekwa nehama dzake,” vanodaro.

Vanoenderera mberi: “Ndinonzwa kuti vari kuendesa nyaya yavo kwaMambo Chireya, ndinoda kunoburitsa huroyi hwake pamberi pehama dzake tigoshevedza zvidhoma nezvikwambo zvake vanhu vachiona.”

Madzibaba Steven vanoti murume uyu nemhuri yake matambudziko avakatarisana nawo zvakangofanana nemunhu anotora huriri musango ozotanga kuvaviwa nahwo.

“Ndinoti murume uyu ngaasiyane nezvekunanga ini huroyi, ave kudzokerwa bedzi nezvinhu zvake zvaakanozvitsvagira.

“Zvinhu zvavo uye zviri kuitika zvichatonyanya kana kakapetwa katatu. Izvozvi ndiri kunonamata kuti zvipeteke three times. Ini handitye, chokwadi chichabuda pachena uye vachauya vega vachinditsvaga,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links