Zvinofambisa rungano

20 Feb, 2018 - 10:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
ZVINHU zvinoita kuti mutambo utambike: Kupera kunoita basa raRuvengo kunoita kuti azove rovha otanga kuchengetwa naCindy.

Kuramba kuteerera kunoitwa naRuvengo kuti adzinge amai vake, VaHaruna vadzokere kumusha kuDharuweni.

Kupomerwa huroyi kunoitwa VaHaruna naCindy achida kuti vadzokere kumusha kwavo kuDharuweni. Kusatsvairwa kunoitwa mumba yekurara yaCindy naRuvengo nemusikana webasa, Tsitsi pamwe chete nekusageza chimbuzi chemumba umu.

Kurambidzwa kugara mumasofa nekuona chivhitivhiti chakanaka kunoitwa VaHaruna naCindy achiti vanozadza masofa bute.

Tsamba inonyorerwa Ruvengo nemukuru wenyika achimushedza kuti adzokere pabasa. Kushanya kwaRegina kumba kwaCindy kuBraeside achida kunomuona.

Zano raCindy naLaiza rekuti vauraye VaHaruna nekeke rine muchetura wemakonzo. Kunhongwa kwekeke naKumbie achidya asina kumirira kupihwa.

Kurwara kunoita Kumbie nemudumbu achingogomera mushure mekudya keke. Kurohwa netsvimbo kunoitwa Regina naCindy achiedza kuda kurova amai vake, Laiza.

Kumhanya kunoshevedza mapurisa kunoitwa naMaggie. Kusungwa kwaCindy naLaiza nemapurisa. Matambudziko anowira vatambi:

Mbuya Haruna vanosangana nedambudziko rekupomerwa huroyi. Mbuya Haruna vanowirwa nedambudziko rekurambidzwa kugara pamasofa akanaka nekuona chivhitivhiti chakanaka nekuti vanoputa bute (rusarura).

Kumbie anosangana nedambudziko reurwere hwemudumbu. Ruvengo anowirwa nedambudziko rekupererwa nebasa zvinoita kuti ave rovha.

Laiza naCindy vanosangana nematambudziko ekusungwa. Regina anosangana nedambudziko rekurohwa pamhanza netsvimbo naCindy.

Maggie anowirwa nedambudziko rekufirwa naamai vake zvinoita kuti azotange kugara naCindy achishungurudzwa.

Tsitsi anosangana nedambudziko rekutukwa naCindy nenyaya yekusatsvaira muimba yake yekurara pamwe chete nekugeza chimbuzi. Laiza anosangana nedambudziko rekushorwa pamwe chete nekutukwa nemwana.

VaHaruna vanosangana nematambudziko ekurera vanaRuvengo naRozi kuti vakure mushure mekunge murume wavo afa vachisiiwa vave shirikadzi.

Zvidzidzo zvinobuda mumutambo: Mumwe anokwanisa kuti akadzidza zvidzidzo zvinotevera:-

Ane marengenya haachariki moto — kubva kuna Cindy anoshungurudza vamwe vanhu asi kumagumo anozopinda mumaoko emapurisa nekuda kwehunhu nemabasa ake.

Rina manyanga hariputirwe mumushunje — Cindy anovanzira Ruvengo kuti aive nemwana kunze asi anozongomuudza – anotaura kuti aisada kuzvara achitya kuchembera ndokusaka aishandisa dhepo.

Hukama haugezwi nesipo — Ruvengo anoramba kudzinga amai vake, VaHaruna pamba pake nekuti vakatambura kumuchengeta kukura kwake kwose.

Mhandu yemukadzi mukadzi — Cindy anenge achishungurudza vamwe vanhukadzi sezvaanoita paanenge achirambidza VaHaruna kuti vagara mumasofa akanaka pamwe chete nekuronga zano rekuvaisira muchetura mukeke achida kuvauraya.

Kudzidza kwakanaka — izvi zvinobuda kuna Cindy anodzidzira basa reugweta oshanda basa rakanaka chaizvo ave magisitiriti.

Hutsinye hwakaipa — zvinobuda kuna Cindy aipomera VaHaruna huroyi hwaainge asina kuona pamwe chete nekuvatutisa zvinhu zvavo kubva muimba yavairara achiti vaende kukoteji nekuti aida kupa imba iyoyo kushamwari dzake padzaiuya kuzomuona.

Kumagumo tinoona achizowira mumatambudziko akaita sekusungwa nekurambwa nekuda kwehutsinye.

Kuteerera kwakanaka nguva dzese – kubva kuna Cindy anoramba kuteerera mashoko aanoudzwa neshamwari yake, Regina pamwe chete nababa vake, Zariro kuti agarisane navamwene vake zvakanaka.

Kusateerera mashoko evaviri ava kunoguma kwamusungisa nemapurisa.

Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma — Cindy anoramba kuteerera dzidziso yaanopihwa naRegina naZariro ozogumisira azvirambisa nemurume wake, Ruvengo mushure mekunge aita zvinhu zvaaigara achirambidzwa nevaviri vane mazita atanga kudomwa ayo.

Share This:

Sponsored Links