Zvinogona kukubatsira

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinopedzisa nekukupai zvinoreva mazita emamwe magamba nemibvunzo inogona kukubatsirai kuita gadziriro dzenyu dzebvunzo takanangana nepepa ramunonyora reuvaranomwe.

Komuredhi Nyika — nyika inotakura zvose zviri pamusoro payo. Komuredhi Nyika igamba rakanga richiziva mamiriro ese enyika yeZimbabwe kubva kumakomo nemazita enzizi. Komuredhi ava vakanga vachiziva nzira dzese nemakomo ese aiwanikwa kubva kuMozambique kusvika kuZimbabwe.

Komuredhi Gidi – gidi zvinoreva pfuti. Ruzivo rwaive nakomuredhi ava rwunoratidza kuti rwunoenderana nezita ravo nekuti vaizivisisa pfuti zvakanyanya. Ndivo vaidzidzisa vanhu vaidzidzira hondo kushandisa pfuti pakamba 2. Vaiziva mazita epfuti dzose nemashandisirwo adzo.

Komuredhi Bhodho — bhodho ipoto inozivikanwa kuti inobikirwa chikafu. Iri izita rinoratidza kuti rinoenderana zvakanyanya nakomuredhi ava nekuti vaifarira kudya zvikuru uye vachiteta nzara. Zita iri anoritumidzwa naKomuredhi Gidi pavanoti, “Iwe mukomana wechikafu kubva nhasi wava kunzi Komuredhi Bhodho nekuti unoda sadza too much.” P.38. Kufenda kwaanoita pavanomhanya ari pakutenderera kechitatu kunoratidza kuti munhu ainyatsonzwisisa zvekudya. Bhodho anoudza makomuredzi aivatungamira zuva ravabva kunomhanya kuti dai vakambovapa nguva yekuzorora vasati vadya kuti chikafu chizonyatsopinda. P.53.

Komuredhi Wairesi – wairesi hainyarare kana ichinge isina kudzimwa. Ndizvo zvimwe chete nakomuredhi ava nekuti vakanga vachitaurisa chaizvo. Tinovaona pavanopindira nyaya yavakanga vasina kubvunzwa ndokubva vapihwa zita iri. p.54.

Mibvunzo

  1. Tsanangura kuti povho yaibatsira magamba kurwa hondo nenzira dzipi munyaya iyi.
  2. Rondedzera huchenjeri hunoshandiswa nevatema kuti vange vachikurira vachena muhondo yeChimurenga chepiri.
  3. Musoro webhuku iri unoenderana zvakadii nenyaya inowanikwa mariri? Tsigira mhinduro yako zvizere.
  4. Hondo yairwadza uye zvaisave nyore kusunungura nyika yeZimbabwe. Jekesa kuti ndezvipi zvinhu zvinobuda murungano urwu zvinoburitsa mashoko aya pachena.
  5. Mazita emagamba airwa hondo anopindirana zvakadii nedonzvo rehondo yavairwa?
  6. Tsanangura matanho ese anotorwa nevatema kuti vabudirire kusunungura nyika yeZimbabwe.
  7. Zazanura matambudziko ese anosangana nevanhu vatema pakurwisa vapambepfumi.
  8. Mazita evatambi akashandiswa mubhuku iri anobatsira sei kusundidzira nyaya mberi?
  9. Nyatsodonongodza zvidzidzo zviri kuburitswa nemunyori kuvaverengi pamusoro pehondo yeChimurenga?
  10. Tsanangura kugona kushandisa mazita amadunhurirwa kwakaitwa nemunyori webhuku iri.
  11. Ndezvipi zvakatuma vatema kuti vaende kuhondo yeChimurenga?

 

Aya ndiwo magumo emhenenguro yebhuku rino. Svondo rinouya tinotanga bhuku idzva. ari mwana akazvarwa akafa kana kuti gavamwedzi anonovigwa panzvimbo ine mahapa murwizi.

Share This:

Sponsored Links