Zvinoita kuti goho rikure

19 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Zvinoita kuti goho rikure

Kwayedza

Wendy Madzura

TINOENDERERA mberi nechikamu chedu chatakatanga svondo rapera chemazano gumi nerimwe ayo anoita kuti goho remurimi rikure.

  1. Kuchengeta manyowa nezvakaorera mumunda:

Zvakakosha kuchengetedza utano hwevhu kunyanya takatarisa kuvandutsa mamiriro aro uye utano hwetwupukanana twemuvhu twunovandutsa mamiriro aro. Kushandisa manyowa kwakanaka nokuti kunodyidzana nemafetireza pakupa mbesa kudya kunoita kuti dzikure zvakanaka. Nokudaro pakurima vavarirai kuti muchengetedze nekurimira pasi mashanga nemashizha anenge asara pakukohwa. Kurima tichishandisa manyowa nezvakaoera zvinobatsira kuvandutsa ivhu zvoita kuti pave nepundutso mukurima.

  1. Kuchengetedza hunyoro:

Nokuda kwekushanduka kuri kuita mwaka, mvura yave chimwe chezvinhu zvakakosha pakurima zvine pundutso. Goho guru zvekusvika kugumi nerimwe (11t/ha) kana kudarika rinowanikwa kunyanya kana varimi vaine madiridziro. Kana paine madiridziro varimi vanokwanisa kukasira kudyara mwaka usati watanga uye vanogona kudiridzira panguva yekushomeka kwemvura (mid-season drought). Kudiridzira kwakosha nokuti varimi vanokwanisa kudiridzira kana mwaka waita mupfupi zvoita kuti vawane goho repamusoro.

Kuchengetedza hunyoro muvhu kwakakosha zvikuru kuti varimi vawane pundutso. Tinokurudzira varimi kushandisa nzira dzokuchengetedza hunyoro muvhu dzinosanganisira kuchera makomba, kushandisa sora kana mashanga (mulching) kana kurima pakati pemitsara yechibage chisati chasvika mavhiki mana (wet ripping).

  1. Gadzirisai kudya kunodiwa nembesa.

Huwandu hwefetireza inodiwa pamunda hunosiyana nokudaro zvakakosha kuti varimi vaongororese ivhu ravo kuti vazive zvarinoda nemhando yemafetireza uye huwandu hwacho.

  1. Kurima muchichinjanisa mbeu (crop rotation):

Kurima muchichinjanisa mbeu kwakanaka nokuti kunouraya twumbuyu twunenge twanetsa mune imwe mhando yembeu, kunovandutsa mamiriro evhu uye kuchiita kuti ivhu richengetedzeke nokuti mbesa dzinotora kudya muvhu nehuwandu hwakasiyana uye muzvikamu zvevhu zvakasiyana (soil profile).

Chakakosha pakurima kuti murimi ave nekunzwisisa kwakakwana kwezvinenge zvichiitika pamunda, uye kuti ave nehukama nembesa dzake. Divisi hombe pakurima itsoka dzemurimi. Murimi anofanira kuvavarira kuva chiremba wembesa dzake anocherechedza nguva nenguva kuti mbesa dzake dziri kudei.

Kurima zvine pundutso kunogoneka! Chakakosha kuronga, kutenga zvinodiwa nenguva, kugadzirira, kudyara nekunamatira mvura.

 

. Wendy Madzura mudhumeni kuSeed Co uye anobatika pa: 0713 270 080 kana 0773 270 080

Share This:

Sponsored Links