Uncategorized

Zvinoitika — Dr Parirenyatwa

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, vanoti mudzimai asina kuzvitakura uye asina mwana waari kuyamwisa anogona kubuda mukaka mumazamhu ake nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Dr Parirenyatwa vanoti pane zvikonzero zvinogona kuita kuti mukadzi asinine mukaka sekufunga kuti ane pamuviri iye asina (false pregnancy), izvo zvinozivikanwa nekunzi “pseudocyesis”.

“Zvinhu zvakadaro zvinoitika, asi kwete zvakanyanya, zvichikonzerwa nekungova nepfungwa yekuti une pamuviri asi pasipo zvachose. Tinokurudzira kuti vanhu vaende kunotsvaga ruzivo kunanachiremba pamwe nekubatsirwa nekuti zvinhu zvakadai zvinoda kuongororwa nemachiremba.

“Zvimwe zvacho zvinogona kukonzerwa nekuda kwemahomoni emuviri anosanduka nenzira dzakasiyana zvichikonzerwa nemishonga inogona kudaro iri kutorwa nemunhu ari kusangana nedambudziko iri.”

Zvakadaro, ongororo yepadandemutande reWomen’s Health inoti dambudziko iri rinosanganikwa naro nemadzimai kana varume zvekuti vanenge vachiita zviratidzo zvekunge munhu ane pamuviri zvakadai sekurutsa, kubuda mukaka weruvara rweyellow kana green asi zvichikonzerwa nesanduko yemahomoni.

Women’s Health inoti zvimwe zvezvinokonzera kubuda kwemukaka mishonga kana zvinodhaka zvinotorwa nevanhu zvakadai sembanje, mishonga yeBP, mapiritsi ekurera mhuri, mishonga yechivanhu, kugarobatwa kwemazamhu kwakanyanya, kupfeka mbatya dzinobata nezvimwe zvakawanda.

Kana munhu achinge ane dambudziko iri anofanira kuenda kuchipatara kunoongororwa ropa rake kuti paonekwe kuti mahomoni ake akamira sei uye panogona kuitwa sikani inodaidzwa kunzi (ACT scan) kuti paonekwe “pituity gland” riri kuburitsa mahomoni emhando ipi.

Kana dambudziko iri richinge rabatwa, chiremba vanogona kunyorera murwere mishonga inoderedza kugadzirwa kwemahomoni aya. Asi kazhinji dambudziko iri rinonzi rinowanzopera roga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>