Uncategorized

Zvinoitika, hapana huroyi: Dr Moyo

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Zvinoitika, hapana huroyi: Dr Moyo DR Moyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
CHAMANGWIZA wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti nyaya dzekuzvarwa kwezvinhu zvakaita setumhuka nevanhu dzinokwanisa kuitika. Izvi zvinotevera nyaya yemukadzi wekuGokwe uyo akazvara gudo munguva pfupi yadarika. “Munyika muno nyaya idzi dziri kuitika asi kwete zvakanyanya kana tichienzanisa nedzimwe nyika. Tingati munhu mumwe chete anogona kuzvara mwana anenge asina kuumbika zvakanaka mukati mevanhu 500 000 zvichikonzerwa nezvinhu zvakasiyana.

“Zvinhu izvi zvinoitika zvisinei nekuti vanhu vari munharaunda dzine zvitendero zvakasiyana vanogona kufungidzira nyaya dzezvehuroyi. Isu semachiremba tinoti kwete, kukundikana kuumbika kwema’genes’ anoumba mwana achiri mudumbu raamai kusvika panguva yaanozozvarwa,” vakadaro Dr Moyo muhurukuro. Vanoti kune mhando nhatu dzekusaumbika zvakanaka kwemutumbi wemwana achiri mudumbu raamai vake, dzinonzi muchiRungu “structural deformity”, “functional defects” ne”congenital defects”.

“Structural deformity ndiko kukundikana kuumbika kwakanaka kwenhengo dzemuviri wemwana achiri mudumbu dzinosanganisira cleft lip, spinal deformity, pamwe neneural tube defect nekuti mumusana ndimo munobva zvakawanda. Kana neural tube isina kuumbika zvakanaka mwana anogona kuzvarwa aine zironda kumusana. Pafunctional defects, mwana anogona kuzvarwa njere dzake dzisingashande zvakanaka, yatinoti ‘down syndrome’ kuchizoti conjenital defect inobva pama’genes’. Ndipo panozvarwa vana vakaita sezvimhuka. Izvi zvinoitika kana ma’genes’ akawandisa, akashomeka kana kutoshaikwa zvachose.”

Dr Moyo vanoti nyaya dzerudzi urwu dzakanyanya kuwandira kunyika dzinofiritwa mweya wemudenga nemishonga yakasiyana kana kunorwiwa hondo.

“Madzimai akazvitakura kana akafema mweya yemishonga ine uturu uhwu pane mikana yakawanda yekuzvara vana vakaremara kana vakaita kunge tumhuka.

“Kunyika dzinorwiwa hondo nyaya idzi dzakanyanya apo vana vanozvarwa vasina makumbo, mawoko kana kuti vasati vasvitsa nguva yavo yekuzvarwa zvekuti vamwe vacho maziso anetenge achiri mumusoro,” vakadaro Dr Moyo.

Vanoti vamwe vana vanozvarwa vakaremara zvakanyanya vanenge vachityisa kunyangwe nyakuzvarwa wacho nehama dzinenge dzauya kuzomuona nokudaro machirema anotanga apanga mudzimai anenge asununguka mazano kuitira kuti atambire zvinenge zvaiitika.

“Hakuna mwana anourayiwa nekuda kwekuti anenge azvarwa akaremara. Mumwe anotozvarwa akazara mvere, akaita semhuka, segudo yatinoti iyo congenital ambries. Saka mubereki kana apihwa mazano ekuchengeta mwana uyu anotenge ave kugara achimugera vhudzi iroro nekuti rinenge rakaita semakushe kana shinda yewuru kuzara kumeso. Vabereki vanofanira kuzvitambira uye zvinhu zvitori munhoroondo, zvakanyorwa mumabhuku anotsinhira kuti zviriko, kwete muZimbabwe chete asi munyika dzose,” vakadaro.

“Kune inodaidzwa kuti ‘mermaid syndrome’ kana kuti ‘cirelomia’ apo mwana anozvarwa akaita senjuzu akabatana nechekumakumbo uyewo nevamwe vanenge vaine mazironda iyo inonzi anencephaly condition,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey