Zvinokwanisika kupedza aids mugore ra2030

31 Jul, 2014 - 07:07 0 Views
Zvinokwanisika kupedza aids mugore ra2030 MICHEL SIDIBE

Kwayedza

MICHEL SIDIBE

MICHEL SIDIBE

Catherine Murombedzi
PAMUJAHO wese panotobuda mukundi kunyangwe tikapinda mujaho wacho takawanda sei, zvimwe chetezvo nemutambo wenhabvu apo matimu anenge achikwikwidzira mukombe nyangwe akaita mangange panguva dzakatarwa panotowanikwa inokunda kuburikdza nemapena.

HIV neAIDS nesu vanhu tiri pamujaho wakakurisa watinofanirwa kukunda kunyangwe zvazvo shuramatongo iri kutungamira panguva ino tinofanirwa kuti tiikunde tigova pekutanga asi izvi zvinogoneka kana tikakwikwidzana nayo tiri pamwe chete.

Imbwa mbiri hadzitorerwe nyama nekuti dzinoita chirwirangwe, ndiwo mushandirapamwe.

Mugwaro rakaburitswa neUnited Nations AIDS Agency rinoti zvinokwanisika kuisa shuramatongo mukati mehapwa dzedu patinosvika mugore ra2030. Izvi zvinokwanisika  nekuda kwekuti kutapurirana kutsva nendufu kubva kuAIDS zviri  kudzikira. Shoko guru nderekuti zvinoda mushandirapamwe kubva kupasi rose nekuti nemafambiro atiri kuita  aya zvingave zviroto kuti tikunde mudambudziko irori.

VeMedecins Sans Frontieres vakayambira kuti dambudziko guru riri pakuti kune vanhu vazhinji vari kuda maARV asi vari kutadza kuawana.

“Vanhu vanosvika 35 miriyoni pasi rese vari kurarama neHIV uye mugore ra2013 vanhu 2,1 miriyoni vatsva vakatapurirwa utachiona hweHIV.

“Huwandu hwevanhu vakatapurirwa utachiona hweHIV patsva ava hwakaderera nechikamu che38 percent kubva muvanhu 3,4 miriyoni mugore ra2001,” yakadaro MSF.

“Ndufu dzinokonzerwa neshuramatongo dzadzikira zvakare ne5 percent mumakore matatu apfuura.”

South Africa neEthiopia dzinonzi dzafamba zvakanyanya muchikamu ichi. Honzeri huru mukubudirira uku iri kubva mukuwedzera kwaitwa mukuwanikwa kwemaARV. Gwaro iri rakataura zvakare huwandu hwevarume vari kuchecheudzwa kuti hwakwira zvakapetwa kaviri izvo zvinoderedza kutapurirana utachiona hweHIV.

Nyangwe mune zviitiko zvakadai zvinhu zviri kufamba zvakanaka asi kunze kuchiri kwakakwidibira nekuti pavanhu 10 vanoda mushonga yemaARV 4 ndivo vari kuwana.

Pasi rino rese nyika dzinosvika gumi neshanu chete ndidzo dziri kukwanisa kunyora gwaro revanhu vanotapurirwa HIV patsva asi pane mufambo wakanaka waitwa mumakore mashanu apfuura, pamakore 23 ruzhinji ruchifamba nedenda iri.

VaMichel Sidibe avo vanova executive director weUNAIDS vanoti zvinotoda kukunya zvakasimba.

“Kana tikawedzera mafambiro atiri kuita mukurwisana  neHIV kusvika mugore ra2020 tinokwanisa kupedza shuramatongo iyi patinosvika mugore ra2030, asi tikatadza tinozviisa munjodzi yekuwedzera nguva yekurwisana zvakare neshuramatongo iyi nemakore gumi kana kupfuura,” vakadaro.

Mune chiitiko chinosuwisa, ndege yeMalaysia MH17 yakadonhedzwa chombo chehondo apo yaibhururuka pamusoro penyika yeUkraine ikauraya vanhu vese vaivemo vaisvika 298.

Vamwe vaivemo vaisanganisira vanamazvikokota kana kuti vane hutsanzi munyaya dzekutsvaga mushonga ungapedze shuramatongo yeAIDS vanoti VaJoep Lange nemudzimai wavo uye Glenn Thomas uyo aishandira sangano reWHO nevamwe vatisingakwanise kudoma mazita avo.

Sangano reInternational AIDS Society rakarangarira hama idzi kumusangano wakaitwa kuMelbourne, Australia.

Nyanzvi idzi dzaive munzira kuenda kumusangano iwowo.

Ngatiendererei mberi kurwisa denda nekuti muAIDS iwe neni tine basa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey