Zvinongodawo kupembedzwa

19 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

KUPERA kwesvondo radarika takaona vaimbi vemisambo yakasiyana, vana nyanduri navamwe vanyori vachipembedzwa mumabasa avo nokupihwa mibairo inoratidza kuti mikono inobaya dzose.

Chirongwa chokupembedza vanhu ava chinoratidza kuti kunyange zvichinzi zvakaoma, ngapawanikwewo mukana wokutenda vanhu vanoshanda kuti zvinge zvakareruka.

Chinofadza ndechokuti chirongwa cheNational Merit Awards (NAMA) chinoitwa kutanga kwegore, kuitira kusimudzira pfungwa dzavanhu, nokurerutsa zvinenge zvakarema, vanhu vove netariro yakanaka, kwoburwawo zvimwe zvinenge zviri zvemhando yapamusoro.

NAMA yakaita kuti ndibvunzewo kuti ko vaye vakabata mabasa makuru akatsikiswa kare kare, vanodii kucherechedzwawo, nokuti ndivo vanhu vakavarura nyaya iyi: zvokuimba, kunyora, kana kudzana zvichakaoma, zvichishorwa?

Ngavacherechedzwewo, kusanganisira vamwe vaitsigira nokubatsira kuti zvinhu zvokwedu zvibude norupawo rwazvo.

Ndakarangarira muimbi nomutambi, muchakabvu Safirio Madzikatire (Mukadota) achiimba kambo kake “Uchandiuraisa”. Kambo kanoratidza zvinoita vanhu vanorwira chinhu chavanoda, uyu achiti “haivhiiwe”; mumwewo achiti “haivhiiwe”.

Kanotanga muimbi Katarina achibvunza: “Iwe Dickson, une shuwa here kuti ungadanane naMolly?” Molly wacho anozvinzwawo, nokuti anodawo kudiwa. Anopindura zvinosvota achiti, “Futi iwewe wakanzi hauchadiwa!”

Iripo nguva apo vanhu pavanodaro sezvakanyorwa mudetembo raJ. Makumbe, “Barika” riri mumuunganidzwa wenhetembo re”Mabvumira eNhetembo.” Handizivi kuti ndimuchakabvu Muzvinafundo John Makumbe here akanyora, kana kuti kufanana kwemazita.

Makumbe anoti:

Wakatiwana tichidana,

Iwe uuyi hwako hwakaparadza rufaro.

Taidya rinobikwa mutsaiya imwe,

Nhasi murume wangu wodya rinobikwa mune imwe.

Ndiri ndoga zvandaiwana, nhasi handichazviwani.

 

Ndakakuudza kuti chidziva chapano ndini,

Nhasi wondiita zambuko.

Ndobika rinopisa, murume oti imbodza

Usipo zvose aingodya.

Zvino rako rodyiwa bopoto pasina.

Zuro ndakati ndinoda mujivha,

Murume akati mari haana.

Nhasi iwe woti mwana gumbeze haana,

Risati rany’ura ratengwa.

Ini musemwa gumbeze moto.

 

Vana nhasi vorwara,

Ndoriritira mutungamiri ndisina.

Usipo iwe, murume woriritira.

Ndofufudza nousiku kutsvaga n’anga,

Murume iwe mumba wakapfigira.

 

Hwedza pfuma baba vachadzora,

Semombe yamashanga ini ndozvionera,

Ndzovitakurira yose iri yangu mitoro.

Ndofa seshiri muchengeti ndisina.

Iwe nhaka yangu wogara.

Zvikapembedzwawo zvinyorwa zvakadai, vanhu vanogaroziva kuti magamba avo mune zvakasiyana-siyana ndivana ani, uyewo kuti ndedzipi nyaya dzaibata nguva dzavainyora, uyewo kuti zvasiyana sei nezvinyorwa zvanhasi.

Zvokwako zvinongodawo kupembedzwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey