Uncategorized

Zvinoreva huwandu hwevanokwikwidza

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

KWASARA mazuva makumi maviri nemana kuti vanhu vaende kusarudzo dzomusi wa30 July kunosarudza mutungamiri wenyika, nhengo dzeParamende nemakanzura.

Zvatiri kuona gore rino chitsva mumeso nokuti kubva 1980 vanhu vese vachiwana kodzero yokuvhota, hakusati kwamboita vanhu vakawanda kudai vanoda kukwikwidza zvigaro zvese izvi.

Taingoita zvokunzwa kuti kune mapato anopfuura zana achakwikwidza, asi mapepa anobva kusangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission achizobuda, takarohwa nehana.

Zvinonzi izvo pane mapato 133 akange ati achakwikwidza musarudzo, asi vazhinji vakazogomberwa nezvikonzero zvakasiyana-siyana kusanganisira mari dzokunyoresa nhengo dzinokwikwidza zvigaro zvakasiyana-siyana.

Ndosaka takangozoona vanhu 23 vachida chigaro chomutungamiri wenyika. Pavanhu ava pana VaBryan Taurai Mteki, vari kukwikwidza vakazvimiririra.

Bato kuti rinzi rakunda zvine mutsindo, ndokunge raisa nhengo 210 dzinokwikwidza zvigaro zvese zvedare reParamende munyika.

Zvimwe chete nenhengo dzemakanzuru. Hapana kana “ward” imwe chete zvayo inosungirwa kusara isina anokwikwidza.

Saka ava 23 vane nhengo mumatunhu ese here, zvichisanganisira VaMteki?

Takaita ongororo mushure mokunge ZEC yaburitsa mazita enhengo dziri kukwikwidza, zvinoratidzawo kuti vanokwikwidza vakamirira bato ripi, kana kuti vakazvimirira here.

Muongororo iyi, takaona kuti bato riri kutonga reZanu-PF ndiro chete rakakwanisa kuisa nhengo dzinokwikwidza kumatunhu ese – dzingave nhengo dzedare reParamende kana kuti vekumakanzuru.

Vanoteverwa nebato remuunganidzwa rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa reMDC Alliance. Asi zvinoratidzawo kuti havana kukwanisa kuisa nhengo 210 mumatunhu ese, kusanganisira muMbare chaimo, zvisinei nemafungiro evanhu okuti MDC ine vatsigiri vakawanda mumaguta.

Tichiri kunyatsoverenga kuti tiwane kuti ava vane vangani kupi nokupi. Asi mubvunzo mukuru watiinawo ndewokuti kana bato richida kutonga, uyewo richiti richakunda musarudzo, rinotonga nokukunda sei kana risina nhengo dziri kutsvaga rutsigiro munzvimbo dzakawanda dzenyika? Vachazvifambisa sei kuti vanoda kuita maPresident, asi vakangoisa vanhu makumi maviri kuti vamire senhengo dzeParamende?

Mubvunzo uyu unobvunzwa nevari kutsvaga kuti zvichafamba sei, asi mhinduro dzinopihwa hadzizadzi mukombe.

Chimwewo chinoshamisa musarudzo dzegore rino ndechokuti matunhu akaita seBulawayo, unoona mamwe ma“constituency” aine vamiriri vanopfuura makumi maviri. Vamwe vakamiririra mapato avo, asi vamwe vakazvimirira.

Ngatirege kuera nyoka negavi. Heunoi muenzaniso  wehuwandu hwavanhu vari kukwikwidza zvigaro zvedare reParamende mudunhu reBulawayo: Bulawayo Central – 17; Bulawayo East – 15; Bulawayo South – 16; Emakhandeni/Entumbane – 12; Lobengula – 17; Luveve – 18; Magwegwe – 23; Makokoba – 17; Nketa – 17; Nkulumane – 14; Pelandaba/Mpopoma – 17; Pumula – 21.

Dunhu reHarare rine huwandu hwakangoda kuita seBulawayo.

Hoyu mubvunzo. ZEC inoti vanhu vanopfuura 5.6 mirioni nyika yese vakanyoresa kuvhota. Saka vanhu vakanyoresa kuvhota munzvimbo idzi vawanda sei? Vamwe hadzisi shaisano here kana kuti ndivana gudza mudungwe? Pakadai ipapa anokunda anenge awana mavhoti akawanda sei?

Nhengo dziri kuzvimiririra dzakawandawo zvakare.

Chimwewo chinobuda ndechokuti vanhu vari kungofunga kuti ivo ndivo vachazvigona kukunda ange aripo. Hapana asingadi hukuru. Kana muBhaibheri, Jakobho akatenga udangwe, akatorera mukoma wake Esau.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>