Zvinoreva mazita

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza
TINOPEDZISA ongororo yekupindirana kwemazita nezviito kana unhu hwevatambi.

Ndakasemwa — kusemwa kuratidza kusafarirwa kana kusarurwa kunogona kuitwa chinhu. Kazhinji chinhu chinosemwa chinoonekwa sechisina kukodzera kana kuti chisina basa.

Tinoona izvi zvichienderana neupenyu hwaNdakasemwa zvikuru kuburikidza nekusemwa nedenga kuti ange achiwanawo mbereko zvinove zvinoita kuti Rufuse azotora mamwe madzimai mushure make.

Ndakasemwa anozvara mapatya kunove kusemwa kukuru chaiko kwaakanga aitwa nemidzimu yake sezvo zvaive zvinhu zvaisatarisirwa.

Shayamano – munhu anenge asina nyadzi kana kuti asinganyare. Tinonzwa kuti Shayamano aigara akatuka Ndakasemwa pamwe nekumunyomba zvisinei nekuti ndiye akanga amushevedza pamurume. Anotaura naPaida naPaido achiratidza kushungurudzika pamusoro pevana ava nyangwe zvazvo vanenge vasina kumuitira chakaipa.

Shayamano aisemwa nemurume kuburikidza neunhu hwake hwakaipa uye utsinye hwaaiita.

Nyadziso – kunyadzisa kuita chinhu chinoshoreka pakati pevanhu. Nyadziso anogarovenga vahosi vaRufuse achiti vaimuroya zvisinei nekuti Ndakasemwa ndiye akanga amushevedza kuti agare pamurume. Zviito zvaNyadziso zvekusada kugeza zvinoenderana nezita rake. Tinonzwa paanotukwa naNdakasemwa achinzi mipimbira yake yaigara yakacheneruka sekunge yakaumburudzwa murufuse.

Zvino chizviitiraiwo ongororo yezvinoreva mazita evatambi vanotevera: Ngwaru, Njeremavhu, Nduramo.

Pano ndipo paperera ongororo yebhuku Manyambiri. Svondo rinouya tichatanga kuongorora bhuku renhetembo ramuri kuita padanho rino rinonzi Rukuvhute rakanyorwa naChirikure Chirikure.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey