Zvinoreva mazita

08 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi  Gunduza

Zvinoreva mazita evatambi (Tinoenderera mberi):

Zita rekuti Mupambi rinozadziswa naMambo Mupambi vanoronga hondo yekubatsira Pondai kupamba nyika yaMambo Chakaingesu nekuti vakanga vavimbiswa zvipfuyo nemadzimai. Tinozvionazve pavanotumira mauto avo kuti anopamba pfuma yaMambo Mushoshoma ndokuvigirwa makumi manomwe emombe nemadzimai mazhinji.

Tineshungu izwi rakabva pakuti ‘shungu’ zvinoreva shuviro yekudzosera kana kugadzirisa zvinhu zvakambotadzwa. Izvi zvinobuda kuna Mambo Tineshungu vanotambira Karinge neshamwari dzake zveutsinye mushure mekupotera mudunhu ravo zvinoratidza kuti vaive neshungu nekutapwa kwavakamboitwa naMambo Mupambi. Zvinozadziswa pavanoudza Karinge kuti aifanira kuuya nepfuma yavo yemombe makumi manomwe yavakapambwa naMambo Mupambi zvinove zvakazoseredza shungu dzavo.

Pondai izita rakabva pachiito chekuponda, zvinoreva munhu anouraya, kuuraisa vanhu kana kuuraiwawo. Izvi zvinojekeswa naPondai anouraya Mambo Chakaingesu nemiseve gumi neumwe kuti agosara achipamba umambo hwavo zvechisimba. Tinozvionazve paanopondesa mwanakomana wake, Tafirenyika neshamwari dzaKaringe ndokusiiwa musango achidyiwa nezvikara mushure mekumufurira kuti agouraya Karinge pavaive kusango vachivhima.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

SHOKO HARIVHIKWI

Zvekuita:

1. Alex Chirumbwana anonyora pamusoro pedingindira rekuyemura. Tsigira zvizere nenhetembo dzake shanu dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Mubvunzo wakadai unoda kuti unge uchiziva nhetembo dzaAlex Chirumbwana dzinoburitsa yemuro muzvinhu zvakasiyana. Zvakawanda zvinhu zvaanoyemura zvinoti; zvipuka zvesango, chitima, matambiro ezvipuka nemararamiro azvo, vanasikana nezvimwewo.

Munokwanisa kupindura mubvunzo uyu muchishandisa nhetembo dzake dzinoti, Dai ndiri kamba, Rwaivhi, Chitima, Dai ndiri shiri zvangu, Rwizi, Chenai kana Ruvarashe. Chekutanga kudoma pfungwa yeyemuro wobva wapa tsigiro inobva mudetembo racho.

2. Sarudza nyanduri mumwe chete kubva muna Shoko Harivhikwi akanyora nhetembo dzakakubaya mwoyo. Zvino chitsanangura pamusoro peshanu dzacho uchiburitsa kuti ndezvipi zvakakubaya mwoyo mudetembo rega rega. [25]

Zvakakubaya mwoyo zvinogona kuve zvinhu zvawakafarira, zvakakurwadzisa kana kukusuwisa nezvimwewo. Munofanira kuburitsa pfungwa yekuti ndezvipi zvakakubayai mwoyo zvacho kwete kungotaura zviri mudetembo muchisiya pfungwa iyi. Chekutanga kudoma zita ranyanduri, mazita enhetembo nezvadzinoreva uchiratidza zvakakubaya mwoyo.

Zvimwe zvacho zvinofanira kubva muzvidavado nekuti pane zvibodzwa zvazvinopihwa.

3. Nhetembo zhinji dziri muna Shoko Harivhikwi ndedzekurayira. Sarudza ina chete dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana ugotsanangura kuti mudetembo rega rega ndezvipi zvinhu zvina zviri kurayirwa. [25]

Chekutanga doma mazita avananyanduri, enhetembo nezvadzinotaura maererano nezvepfungwa yerayiro. Nhetembo dzamunogona kusarudza ndeidzi; Zvenzwisa regai naSolomon H. Munorevesa, Chokwadi pachinoputsa naUshehwedu Kufakurinani, Rega ndikubaire zanhi naBlessing Magodo uye Tsika dzedu mushonga naAlouis T. Sagota.

4. Sarudza nhetembo nhatu dzaMedia Mugandani dzine dingindira rimwe chete uchiratidza zvaanofarira kunyora pamusoro padzo. Tsigira nenhetembo dzake dziri muna Shoko Harivhikwi.

Mubvunzo hauna kukuudzai kuti dingindira racho nderipi saka munofanira kuzvisarudzira nhetembo dzine dingindira rimwe chete asi dziri dzaMedia Mugandani. Munokwanisa kupindura mubvunzo muchishandisa nhetembo dzanyanduri uyu dziri maererano nedingindira rerayiro dzinosanganisa; Mwanasikana, Vabereki naShanda.

Pfungwa dzerayiro ngadzidomwe dzichidarika nhatu nekuti munhetembo dzekurayira munoburitswa zvinhu zvakawandisa zvinenge zvichipangwa.

Svondo rinouya tichatanga kuita ongororo yebhuku rinonzi Tambaoga Mwanangu.

. Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition.

Share This:

Sponsored Links