A-LEVEL — KUDA MUHONDO:Zvinorwadza vanhu vatema

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

ZVINHU zvinoita kuti vanhu vatema vaende kuhondo nevachena:

Kufoiriswa muzvidzidzo — zuva rekutanga Kuda ari kuyunivhesiti mudzidzisi wake aive mubhunu anosvika achitaura mashoko ekuti vanhu vese vechitema vaizokundikana muzvidzidzo zvaaidzidzisa nekuti vakanga vakurira munzvimbo dzisina zvivhitivhiti, mawairesi uye vaisave varidzi verurimi rweChiRungu. Izvi zvinogumbura Peter naKuda nekuti vakabva vaziva kuti vainge vatofoira zuva ravatanga chikoro iroro nekuda kweganda dema.

Kurambidzwa kupinda mumahotera emutawundi — Kuda anoudza Peter vari kuMbare kuti vanhu vatema vairambidzwa kupinda mumahotera aive muguta. Vanhu vatema ndivo vaishandira munzvimbo idzi asi vaisabvumidzwa kudyira kana kunwiramo zvachose. Izvi zvinorwadza vanhu vatema nekuti vaibatwa zvakaipa nevaRungu kupinda zvavaiita imbwa dzavo.

Kushaiswa kodzero dzekutaura zvavanoda – Kuda naPeter pavanenge vari kuMbare vachinwa doro tinonzwa vachitsiurana kuti vasarambe vachitaura nyaya dzehudzvanyiriri hwemabhunu vachiti kwaive nemainformer ayo aibata vese vaitaura zvisirizvo maererano nehurumende yevachena.

Rusaruraganda — Peter naKuda vanoenda kuCommon Room kuyunivhesiti ndokuona vatema nevachena vairwisana nekuda kwenhau dzainge dzataurwa muterevhizheni. Mutevedzeri wemuchengeti weCarr-Saunders paanonzwa zhowezhowe anosvika achishevedza vakomana vatatu vechitema ndokuvadzinga muhoro iyi achiti vanotsvaga kumwe kwekugara. Vachena hapana zvavanoitwa. Izvi zvinoratidza kuti vachena vaikosheswa kupinda vatema.

Pakufamba nezvitima vanhu vatema vainzi vapinde mufourth class munove maizivikanwa nekuti mumbombera uku vachena vainge vari mune zvimwe zvikamu zvepamusoro umo vainge vakagara zvakasununguka.

Vachena vaisabvunzwa zvitupa pakufamba kwavo kwese kunze kwevanhu vatema. Izvi zvimwe zvezvikonzero zvakatuma vatema kunorwisa mabhunu.

Vanhu vatema vainzi vagare mumisha yaigara ruzhinji yaive netsvina isingaite yakaita seMbare neHighfields asi vachena vachigara munzvimbo dzakanaka.

Kubvunzwa zvitupa pese pese – tinoona kuti Kuda paanenge achienda kumusha kwavo kuChipinge ari muchitima munopinda mapurisa nemasoja achibvunza vanhu zvitupa. Kuda paanenge achibva kuMozambique nechikwata chaaitungamirira ave kuBocha tinoona achifamba nechitupa kuti apinde mupovho maigara vazhinji nekuti zvaisatenderwa kuti munhu afambe asina chitupa. Kuda anopinda mupovho aine chitupa panguva yaanosvika kuBuhera kuti vadyidzane nepovho.

Kusungwa zvisina tsarukano – vakomana vaive muchitima vachiratidza kuti vaienda kunopinda muhondo yeChimurenga vanosungwa nemapurisa nemasoja vave maRusape nekuti vaive vasina zvitupa. Pakarepo vanobva vasungwa ndokudzikwa navo maRusape imomo. Izvi zvimwe zvinhu zvinoita kuti Kuda pachake anyanye kuvenga vaRungu ndosaka tichizoona apindawo munyaya dzehondo kumberi. Munhu mutema aiti kana achinge asungwa haaipihwa mutongo pamberi pedare asi aibva atongotsakatika akadaro.

Kurohwa — vakomana vanenge vari muchitima chaienda kwaMutare vasina zvitupa vanorohwa zvakaomarara nemapurisa nemasoja vasati vadzikwa navo. Tinoona zvakare vamwe vanhu vachirohwa nemasoja nemapurisa munzira vari mubhazi kuenda kuChipinge pavaikanganisa nhamba dzavo dzezvitupa. Tinonzwa kuti vamwe vanhu vaienda kuChipinge vairohwa nemapurisa aSmith nekugaro repfuti zvekuti vaizonetseka kukwira mubhazi zvakare. Masoja aipinda mupovho achishungurudza vanhu kuburikidza nekuvarova kana magandanga achinge adzokera kumabhesi awo.

Share This:

Sponsored Links