Zvinotarisirwa parondedzero

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KANA ichinge yasvika nguva yekunyora rondedzero, vana ngavadzidziswe zvinotevera nguva dzose zvigare nekupinda mumusoro mavo dakara nekusingaperi. Ndaona zvakakodzera kuti ndisati ndabata mhando dzerondedzero, zvakakosha kutanga ndapa nyevero dzinofanirwa kutevedzwa kuitira kuti mwana agoita sarudzo dzake achinyatsoziva kwete kungoti chero ndasarudza chekunyora.

Pamisoro mishanu kana mitanhatu inenge yakapiwa, sarudza musoro wenyaya unokufadza uye une pfungwa dzauine ruzivo nawo. Nyatsoverenga unzwisise zviri kudiwa nemusoro wenyaya. Edza chose kuisa pfungwa pamwe chete kuti ugonyatsotondera zvose zvawakambonzwa kana kuverenga pamusoro wenyaya iwoyo.

Kana zvichibvira, nyora pasi zvose zvinoenderana nemusoro zviri kupinda mupfungwa dzako kuitira kuti usazozvikanganwe. Kana uchinge waunganidza ruzivo rwako rwakakwana pamusoro wawasarudza, chironga pfungwa dzako nenzira iyo unoda kuti ugo hwako hugooneka.

Kana wapedza kuronga pfungwa dzako zvakanaka, chipinda mukunyora rondedzero yako uchiwedzera nezvimwe zvinonyuka apo pfungwa dzinenge dzava kugayana.  Chinyora zvino uchiisa pfungwa dzako muzvikamu zvinorurudzana.

Shandisa chiShona chakanaka pasina chirungu kana mumwe mutauro wechizvinozvino unopfukuta chiShona chako. Rangarira kuti nenhamba chaidzo dzinonyorwawo muchiShona chaicho. Runyoro rwako ngarwuvewo rwunoverengeka kwete kunyora zvinosvibisa mwoyo wemukwenyi webasa

Kana uchinge wapakata zvombo zviri pamusoro izvi, zvoreva kuti wava kukwanisa kuchiziva mamiriro anofanirwa kuita rondedzero yauchazonyora. Rangarira kuti rondedzero inonyorwa muzvikamu. Chikamu chega chega chinofanirwa kuva nepfungwa huru inovarura (topic sentence).

Pfungwa huru iyi yakakosha nekuti ndiyo inowanisa munyori zvimwe zvekunyora apo anenge achifanirwa kuitsigira. Anofanirwa kutsigira pfungwa huru iyi achishandisa zvitsigirapfungwa huru zvinonzi (developers).

Zvitsigirapfungwa izvi zvinofanira kutaura zvakarerekera kupfungwa huru kwete kutsaudzira. Pekupedzisira chikamu chinoda kupenderwa nemhedziso yakarerekera kupfungwa huru iya.

Iyo rondedzero yacho inofanirwa kumira yakati nhanganyaya, kouya mutumbi wayo kozoita mhedziso yacho.

Nhanganyaya inofanirwa kukwezva mukwenyi mukuda kupinda muchinyorwa. Inofanirwa kubata pfungwa dzemuverengi kuti achinyatsoti zete achirudunurirwa nyaya iyo inenge yatangwa nenhapitapi yemuronga wemashoko. Nhanganyaya inofanirwa kunanga musoro wenyaya, ndiko kusaka takati mwana ngaave neruzivo rwakakwana pamusoro waarikutora.

Inoda zvakare kunyorwa muchidimbu kwete kuita murabaraba unoodza mwoyo. Ngaive nzwisa yenyaya ichatevera kwete kubva yafoonora zvese zvichabuda mundima uye ngaive neukama nemusoro wenyaya.

Kana wopinda mumutumbi, wava kusesedzana nemuverengi werondedzero uchimupira zvose zvakanangana nemusoro wenyaya yako. Ndiyo nguva yekuchiita madanha nemutauro nekuti wava kuchifanira kutsanangudza zvose zvine udzamu. Chiita kuti mukwenyi afare, aseke nokunakidzwa nerondedzero yako iyo inenge yasvika pane pfungwa dzinosekenyedza.

Ngapachiratidzwa ugo hwekugona kumanikidza munhu kuti arambe achida kuverenga kubudikidza nekugona kurunga mutauro zvemhando yepamusorosoro.

Nyaya yezvirunga mutauro tichaibata kumberi apo tinenge topa mienzaniso.

Kana wapedza mutumbi wochipinda mukupendera rondedzero yose zvayo nemashoko anonwisa mvura. Mhedziso ngaisava nepfungwa itsva asi kuti ngaichisunganidza twose twanga twuri munyaya yose muchidimbu. Unofanira kupeta nyaya yose zvinotapira zvekuti muverengi anotura mafemo. Wapendera zvakanaka kudaro, chiverenga chinyorwa chako uchigadzirisa mhosho usati wachiendesa kuvakwenyi vebasa.

Share This:

Sponsored Links