Zvinovaka pakati, magumo engano

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views

Kwayedza

SVONDO rino tinopedzisa mamiriro engano.

Pakati:

Pakati pengano ndipo paibudiswa dingindira rengano pamwe chete neunhu nezviito zvevatambi vose vari mungano. Apa paibudiswa zvakare kushaikwa kwezvinhu zvinove zvaizoita kuti pave nedambudziko sokuti mhuri yaigona kushaya mwana zvoita kuti mumwe afunge kuita mwana wokuumba kana kutsvaga wemhuka, asi zvaizounza mamwe matambudziko kumberi.

Mune dzimwe ngano, pakati ndipo panofambwa nzendo mushure mekunge mumwe wevatambi vari mungano apihwa muko uyo waanenge asingafanire kutyora, saka kufamba rwendo uku kunoita kuti atyore muko waanenge apihwa. Mungano zhinji nyakutyora muko anoedza kugadzirisa zvinhu, asi pakupedzisira anokundikana zvinove zvinoita kuti awane zvinhu zvakaita manyama amire nerongo. Izvi zvinojekesa kuti pakati pengano ndipo panobuda makakatanwa, uye matambudziko akasiyana-siyana anoitika.

Magumo:

Ngano dzaipera zvakasiyana-siyana zvichienderana nasarungano wacho. Kazhinji vanasarungano vaipedza vachishandisa mazwi akadai, ndipo pakafira sarungano, ndipo pakaperera sarungano, ukazove mugumo werungano, saka nanhasi gudo richigara mugomo.

Vamwewo vanasarungano vaipedza ngano nenziyo dzinove dzaishandiswa pamagumo erungano; idzi dzainzi nziyo dzekupunza sezvo dziridzo dzaiita kuti rungano rwuchipera.

Nguva zhinji pamagumo erungano vanyangadzi (vatadzi) vairangwa, kupiwa mutongo wakaomarara, kuurawa kana kuwira mumatambudziko. Izvi zvinobva pazivo yekuti chimwe chinangwa chengano chaive chekuda kudzidzisa vana mabasa akanaka aiita kuti vayemurike munharaunda, uye kugona kugarisana navamwe zvakanaka. Vaye vanenge vaita mabasa akanaka pamagumo engano vaipihwa mibairo yakafanana namadzimai kana kuitirwa zvimwe zvinhu zvikuru zvaiyemurwa nenharaunda dzavo. Kurangwa kwevanyangadzi mungano kwaibva kwazadzisa pfungwa huru inobudiswa mungano kuti munyangadzi kunyange akaita zvakaipa sei, asi pakupedzisira aizorangwa chete.

Share This:

Sponsored Links