Zvipfuyo zvakarasika zvotengeswa

13 Dec, 2014 - 14:12 0 Views
Zvipfuyo zvakarasika zvotengeswa

Kwayedza

cattleKingstone Mapupu
ZVIPFUYO zvakarasika ndokushaya varidzi kunharaunda yekanzuru yeManyame kuMashonaland East zvichange zvichitengeswa kuruzhinji munguva pfupi iri kutevera.Mashoko aya akataurwa nachamangwiza wekanzuru yeManyame Rural District Council, Mai Farirai Guta, vachiti mombe idzi dzinosvika gumi neshanu dzichange dzichitengeswa musi waZvita 12.

“Semakore ose tinowana nguva yatinotengesa zvipfuyo zvinenge  zvarasika zvashaya varidzi vazvo nekudaro gore rino tiri kutengesa mombe chete dzinokwana 15 zvakasiyana nemamwe makore apo tinombotengesa nezvimwe zvipfuyo kusanganisira mbudzi nemakwai. Ikurudziro yedu sekanzuru kuti varimi vakakomberedza nzvimbo yedu yeManyame kuti vapote vachichengeta zvipfuyo zvavo,” vakadaro Mai Guta.

“Mombe dzatichatengesa idzi dzinosanganisira matsiru, madhonza nemhou saka tinoti nguva yemusi wekutengesa iyi isati yasvika vanhu vakasununguka kuenda vachinotarisa mombe idzi kuti hapana dzavo here kune vanenge vakashaya zvipfuyo zvavo,”  vakadaro Mai Guta.

Vanoti vane dambudziko guru rezvipfuyo zvinorasika mudunhu ravo sezvo nzvimbo yavo iine mapurazi kubva kuMarirangwe, Beatrice, Muda, uyewo nemaruwa anosanganisira kwaSeke uko vakati kunobva zvipfuyo zvinenge zvarasika zvichizochengetwa.

Muchirongwa ichi vanoshanda pamwe chete nemapurisa, masabhuku nemadzishe pakusarudza mombe nezvimwewo zvipfuyo zvinenge zvarasika zvashaya varidzi.

Mai Guta vakakurudzira kune vanhu vanenge vachida kuziva zvakawanda pamusoro pechirongwa ichi kuti varidze nhare panhamba dzinoti (065)  218 kana 239.

 

Share This:

Sponsored Links