Zviri kuramba: Dynamos…l Tinoda kuhwinha: Lodza , Zviri kutivhara: Mubaiwa ,Bhadharai vapfanha: Romario

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Zviri kuramba: Dynamos…l Tinoda kuhwinha: Lodza , Zviri kutivhara: Mubaiwa ,Bhadharai vapfanha: Romario Lloyd Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTUNGAMIRIRI weDynamos FC, Kenias “Kenny” Mubaiwa, anoti vari kuzama nepavanogona kuti chikwata chavo chihwinhe mitambo yacho yemuPremier Soccer League asi zviri kukona n’anga murapwa achida.

Kubva mumitambo minomwe yatambwa neDeMbare, haisati yahwina kana mumwe zvawo sezvo yakwanisa kuita mangange mitatu ndokukundwa mina izvo zviri kuona iri imwe yezvikwata zvakasenga zviri pasi pelog. Mubaiwa anoti chikwata chavo chinotambira kuhwina asi zviri kurambawo mwaka uno uye havazive kuti chii chiri kumbonetsa.

“Isu chedu chatinoziva ndechekuti tiri kuedza nepatinogona kuti tirwe, tihwine asi zviri kuramba. Tinogadzirira mitambo yese uye topinda tichida kuhwina asi zviri kuramba, hatipinde mumutambo kuzokundwa, asi kuhwina,” anodaro.

Kenny Mubaiwa

Mubaiwa anoti dai chikwata chavo chaisada zvekuhwina chingadai chisingakwikwidze muPSL chakaenda kuDivision 1 kare.

“Dai zvainzi hatina basa nenhabvu tingadai takabuda tega takaenda kuDivision 1 uko asi tiri muPSL nekuti tinoziva chinangwa chedu chatiri imomo chekuhwina mukombe wePSL. Zvinowanikwa mubhora izvi, hongu tozviziva kuti tiri kukundwa uye tinongotarisirwa kuti tihwine nguva dzese. Tiri kuzvigadzirisa nekuchimbidza zvisati zvaenderera kure,” anodaro.

Murairidzi weDynamos, Lloyd “Lodza” Mutasa, anoti matambiro ange achiita chikwata chake mitambo minomwe yadarika haashoreke sezvo vange vachikundwa ma1-0 kana kuita mangange 1-1 kazhinji.

“Matambiro edu haana kushata havo, tiri kungotadza kunwisa chete asi tikagadzirisa ndinovimba kuti tinosimuka nekuchimbidza,” anodaro.

Zvakadai, gore ra1967 Dynamos ndipo payakapedzisira kutamba mitambo 10 isina kumbohwina apo yakakundwa mumitambo yayo yose yekutanga.

Saka chikwata chaMutasa chikaramba chakadai chinogona kutevera cha1967 icho chakakundikana kuhwina mitambo yacho 10 yekutanga.

Chris Musekiwa

Mutasa anoti vari kushanda zvakasimba kuti vagohwinha mutambo wavo uri kutevera apo vachasangana neBulawayo City nemusi weSvondo kunhandare yeRufaro Stadium.

“Hatidi kuisa vapfana panguva yakaoma nekuvaudza kuti tambai makadai kana kuti munofanirwa kunge mahwina mitambo yakati panguva yakati nekuti zvinozovaremedza saka isu tiri kushanda kuti tihwine mutambo unotevera uye ndinovimba kuti negadziriro dzatiri kuita zvichaita chete.

“Tiri kuedza nepatinogona kutaura nevatambi tisimudzire morari yavo vasaterere zvinotaurwa nevanhu uye varambe vachishanda nesimba,” anodaro Mutasa.

Mutsigiri mukuru weDeMbare – Chris “Romario” Musekiwa – anoti zviri pachena kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuchikwata ichi nekudaro zvinofanira kugadziriswa nechimbi chimbi.

“Morari yevatambi iri pasi ndicho chokwadi saka ngavataurwe navo uye vatungamiri ngavavatsvagire zvese zvavanoda kuti vashande nesimba titange kuhwina. Zvikaramba zvakadai zvinogona kutishatira, ndicho chokwadi,” anodaro Musekiwa.

Anoti vatambi vese veDeMbare vanofanirwa kutozvipira kufira chikwata ichi kuti chihwine sezvo chiri chikuru munyaya dzenhabvu.

“Isu tinoziva kuti kare kutambira Dynamos B side kwaidisa nemadzimai ko kuzoti chikwata chevakuru chacho?

“Saka vatambi ava ngavazive kuti chikwata chavari kutambira chikuru chine nhorowondo iyo inofanirwa kuchengetedzwa,” anodaro.

Musekiwa anoti vatungamiriri veDynamos vanofanira kushanda nesimba kuti vasandure mamiriro ezvinhu.

“Hutungamiri hwechikwata ngahusarivare, ngavashande nesimba kutsvagira vatambi zvavanoda zvese ndokuti nhabvu itambwe. Musi weSvondo tinoda kuona shanduko kunhandare, tinoda kuona vatambi vachifira chikwata ichi.

“Hapana zvinonzi chikwata chakasungwa, hapana zvakadaro. Ipai vatambi zvavanoda chete muone shanduko,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links