Zvirimwa zvakatsva, ndokuny’udzwa

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Zvirimwa zvakatsva, ndokuny’udzwa Sadunhu Murambinda

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARIMI vekudunhu reBuhera vanoti vave kutarisira kukohwa zvirimwa zvidiki zvinoshingirira muzuva zvichitevera kutsva kwakaita chibage nezvimwe  kuburikidza nekumborega kunaya zvakanaka kwakaita mvura uyewo nekuzony’udzwa nemvura yakazouya yakawanda.

Sadunhu Murambinda, VaPedzisayi Murambinda (96), vanoti dunhu ravo mwaka uno rakawirwa nenzara nekuda kwechikonzero chezuva rakambopisa kukazouyawo mvura yakawanda iyo yakany’udza zvimwe zvirimwa.

“Kuno kudunhu reBuhera hakunaye mvura yakaringana zvinoreva kuti nguva zhinji tinogara tiine nzara nekudaro tinorima zvirimwa zvinoshingirira muzuva zvakaita semhunga, mapfunde, zviyo, nyimo, nezvimwewo. Zvino mwaka uno taiva taisawo chibage ndokusanganisa nezvedu zvatagara tichirima, mukatarisa chibage chekutanga chakatsva nezuva chakasarira chidiki ndokuzony’udzwa nemvura yakazoguma yawandisa,” vanodaro Sadunhu Murambinda.

Varimi vekudunhu reBuhera vanoti vave kutarisira kukohwa zvirimwa zvidiki zvinoshingirira muzuva zvakadai sezviyo zvichitevera kutsva kwakaita chibage nezvimwe kuburikidza nekumborega kunaya zvakanaka kwakaita mvura uyewo nekuzony’udzwa nemvura yakazouya yakawanda.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tave kutotarisira zvirimwa zvidiki zvakaita sezviyo, mhunga, mapfunde nenyimo izvo zvakazoraramiswa nemvura yakawanda yakanaya.

“Zvimwe zvacho zvave kutoibva nekudaro hatirambe nyaya yekuti tine nzara muno,” vanodaro.

Sadunhu Murambinda vanoti vanokurudzira varimi vemudunhu ravo kurima mbesa dzakasiyana vachisanganisa chibage nedzimwe diki kuitira kuti vasazofa nenzara.

“Patinotenderera tiri kuona kuti chibage chakatsva chimwe chikany’ura asi zviyo nemapfunde kusanganisawo mhunga zviri kuita zvikuru. Vaye vane mapindu ari panzvimbo dzakanaka vave kurimawo muriwo nezvimwe zvirimwa senzira yekuzvibatsiridza kubva munzara,” vanodaro.

Zvakadai, Sadunhu Murambinda vanoti vanotsutsumwa zvikuru nekunonoka kupedzwa kuvaka kuri kuitwa dhamu reMarovanyati iro riri murwizi rwaMwerahari padyo nenzvimbo yemabhizinesi yeMurambinda.

“Dhamu redu reMarovanyati riri kuvakwa muno muBuhera uye rakatangwa makore mazhinji akadarika. Tinotarisira kuti ripedzwe sezvo tichida kuti mabasa ekurima muno asimukire zvikuru nekuda kwedhamu iri nekuti tichaita minda mizhinji yekudiridzira,” vanodaro.

Vanoti vane madhamu madiki nemakuru anosanganisira reBangure rinodaidzwa kuti Ruti iro riri murwizi Nyazvidzi uye koitawo dhamu reDevure.

“Pano paMurambinda tine minda yemadiridziro asi midiki zvakare mvura yacho inopera,” vanodaro.

Vanoti kunze kwekudiridzira muminda, mvura yedhamu reMarovanyati ichashandiswawo munzvimbo yemabhizinesi yeMurambinda sezvo rukisheni rwemo rwuri kuramba ruchikura.

 

Share This:

Sponsored Links