Zvirimwa zvoparara nezuva: zcfu

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Zvirimwa zvoparara nezuva: zcfu Chibage chakatsva nezuva nekuda kwekushaya mvura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Sangano rinomirira varimi reZimbabwe Commercial Farmer’s Union (ZCFU) rinoti mumatunhu akawanda enyika varimi havachisina tariro yekuwana goho rakanaka zvichitevera kupisa kwakanyanya kwezuva uye kusanaya kwemvura izvo zvave kukonzera kuti zvirimwa zvakaita sechibage zviome.

Muhurukuro neKwayedza, mutungamiriri weZCFU, VaWonder Chabikwa, vanoti varimi vechibage nesoya bhinzi vari panguva yakaoma nekuti zvirimwa izvi hazvikwanisi kushingirira muzuva.

“Zimbabwe ine atinoti maEcological Regions saka varimi vari mumatunhu akadai seManicaland mumaRegions anosanganisira 1, 2A ne2B vachiri pari nani nekuti zvirimwa zvavo zvichiri kushandisa mwando uri pasi zvichitevera kuwanda kwemvura inowanzonaya kumatunhu aya. Varimi vari kumatunhu akadai seRegion 3 zvichienda kumberi vari kuomerwa zvikuru nekuti vari munzvimbo dzinopisa zvakanyanya sezvo zvirimwa zvavo zvakatooma uye zvimwe zvakanga zvisati zvamera saka hapachina tarisiro kana mvura ikatadza kunaya svondo rino sezviri kutaurwa nevanoona nezvemamiriro ekunze,” vanodaro.

Zvakadaro, VaChabikwa vanokurudzira varimi vane madiridziro kuti vaashandise mukudiridzira zvirimwa zvavo munguva ino yekupisa.

“Munyika muno tine madhamu nemadiridziro akawanda zvikuru kupinda dzimwe nyika asi dambudziko nderekuti michina yemadiridziro mizhinji yakafa kare. Kudai madiridziro ese achishanda zvakanaka hataiita dambudziko rekutsva kwezvirimwa nekuti vamwe varimi vazhinji vari kuchema nekuda kwezuva minda yavo iri pedyo nemadhamu asi havana mari yekutenga michina yemadiridziro kana kuti vakwanise kumutsiridza aripo acho,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti tariro bedzi yangosara ndeyekuti paitwe zvirongwa zvekufirita makore kuti mvura inaya zvirimwa zviwane mvura nenguva.

“Kana pakasaitwa chirongwa chekuti makore ange achifiritwa ndiri kuona tichidzokera kugore riya renzara ra1992 nekuti hapana chiri kuzobuda muminda. Kuvarimi ndinoti chimbomirai zvekuisa feteraiza yeTop Dressing nekuti inoita kuti zvirimwa zviparare zvachose. Kurudziro yatinokupai panguva ino ndeyekuti sakurai masora apere nekuti ndiwo mamwe ari kupedzera zvirimwa zvenyu mwando uye anounza dambudziko retwumbuyu,” vanodaro.

Zvakadai, kufirita makore kunoda mari yakawanda zvikuru iyo inonzi inosvika $400 000 pachikamu chimwe chete. VaChabikwa vanoti chirimwa chedonje chichiri chakanaka nekuda kwekuti chine midzi inoenda pasi zvakanyanya uye chinotirira zuva.

“Gore rino, igore rakanaka zvikuru kuvarimi vedonje nekuti rinofarira zuva uye harife nyore nekuti rine midzi inodzika kudarika mita. Donje chirimwa chinogona kurimwa kwegore rose. Mumakore apfuura, chirimwa chedonje chaikanganiswa nekuda kwekuwanda kwemvura zvekuti raipedzisira rave kuora asi nekuda kwezuva tiri kuona varimi vedonje vachipunduka,” vanodaro.

Zvisinei, vanoyambira varimi vedonje kuti vadzivirire twupembenene twemhando yemaaphids  nemaball worms sezvo twuchikanganisa goho. Panhau yezvipfuyo zvakadai semombe, mbudzi, hwai nezvimwe, VaChabikwa vanoti zvichiri nehufuro zvichitevera kunaya kwakaita mvura munguva yadarika.

“Sora harife nyore rinoshingirira nemwando mushoma uripo saka zvipfuyo zvakasimba nekuti zviri kuwana kudya kwakakwana. Zvakare kana kuchipisa kudai hakuna kunyuka kwezvirwere zviya zvinowanzounzwa nehunyoro mumatanga zvakadai semahwanda (foot rot), lumpy skin, zvikwekwe nezvimwe,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>