Zvirimwa zvopera nemakudo

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAKUDO anonzi arura zvikuru nekuparadza matara achidya chibage nezvimwe zvirimwa kudunhu reMambo Mutambara, kuChimanimani rinova dambudziko rave kutyirwa kuti rinogona kukonzera kuti varimi veko vapinde munzara.

Vamwe vevarimi vakatarisana nedambudziko remakudo iri ndevekwaSabhuku Gurenje nekwaChikona kuCashel Valley avo vanoti zvirimwa zvavo zvinosanganisira chibage zvapera kudyiwa nemakudo zviri mumatara.

Mai Milca Chitombo (46) vemumusha waChikona vanoti vane chibage chavo chapera kuparadzwa nemakudo ayo anosvika pamusha masikati machena apo vanenge vaenda kumapindu.

“Kuno hatichasiya misha pasina vanhu vakarindira sezvo makudo achisvika pamisha kubva kumakomo akatikomberedza. Akawana paine vana vadiki anotovavhundutsira votiza osara achidya chibage kana zvimwe zvirimwa.

“Sepangu pano pamusha, akapinda mudara pasina vanhu akadya chibage chakawanda zvikuru,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kunze kwekudya zvirimwa, makudo aya ave kuuraya mbudzi zvakare zvinoreva kuti tichasara tisina zvipfuyo sezvo kune dzimwe nzvimbo achinzi ari kubata huku.

“Pano pamusha pedu akatouraya mbudzi yedu yaiva muchirugwi akatodya nyama yacho tikawana rangova ropa roga.”

Makudo aya anonzi anofamba akawanda zvikuru zvekuti paasvika anosiya aparadza zvirimwa kana kudya mbudzi nehuku.

Varimi ava vave kutyira kuti makudo aya achaguma asvika kuminda yavo yekudiridzira.

“Nyaya yemakudo aya yave kutitadzisa kuenda kunoita mamwe mabasa sezvo tave kungogara takarindira matara echibage.

“Dambudziko iri rave kumanikidzirawo vamwe varimi kuti vakukurumidze kupura chibage chavo nezvimwe zvirimwa kuti vagoisa mudzihozi senzira yekuchengetedza,” vanodaro Mai Chitombo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>