Zvirongwa zvichasimudzira vanhukadzi

15 May, 2015 - 00:05 0 Views
Zvirongwa zvichasimudzira vanhukadzi

Kwayedza

Daphne Machiri naMemory Lemani
BAZI rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana rinoti riri kushanda nesimba mukuvandudza upenyu hwevanasikana nemadzimai kuburikidza nekuvamba zvirongwa zvekusimudzira raramo yavo.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera naCde Sithembiso Nyoni, avo vakafanobata chigaro chegurukota rebazi iri, pamusangano we”2015 Theme on Women Empowerment and Development Towards Agenda 2063” uyo waitsigirwa nesangano reUnited Nations Development Program muHarare.

“Vanhukadzi vanofanirwa kuwanikwa vachipawo mazano mukuumbwa kwenyika, vachiwanawo mari kumabhanga yekutanga mabhindauko akasiyana. Madzimai zvakare anofanira kusimudzirwa panyaya dzeutano, zvikuru avo vanenge vakazvitakura nekuti izvi zvinodzivirira ndufu kunanaamai nevana,” vakadaro Cde Nyoni.

“Tiri kufambira mberi nezvisungo zveAfrican Union Women Protocol 2063 izvo zvinokurudzira vanhukadzi kuti vasave nhapwa asi kuti vave nekuzvitonga pamwe nekupihwa mikana mukuvaka nyika.

“Iye zvino Gender Commission yava pedyo nekuparurwa, iyo ichange ichitarisa mitemo nemashandiro ayo munyika pakupihwa kwemikana kuvanhukadzi. Mubumbiro remutemo wenyika, vanhukadzi vanonzi zvakare vanofanirwa kupihwa chiremerera chakafanana nevanhurume.”

Vanoti bazi ravo harizi kudzokera kumashure panyaya yekuvamba bhanga rakananga kusimudzira vanhukadzi munyaya dzezveupfumi.

“Ndinokurudzira vanhukadzi kuti vawanikwe vachiita mabhindauko makuru anovasimudzira nemhuri pamwe nenyika. Naizvozvo Hurumende yakaisa parutivi mari inokwana US$5 miriyoni yekutanga bhanga reWomen’s Micro Finance Bank,” vakadaro Cde Nyoni.

“Ndinoda kutenda zvakare vemasangano akazvimiririra mukuvandudza upenyu hwevanhukadzi apo takatarisana nezuva guru rekupembera Africa Day (Chivabvu 25). Tichange tichiita zvirongwa zvakasiyana zvekusimudzira munhukadzi.”

Share This:

Sponsored Links