Zvirongwa zvitsva zvekubatsira vanhu vanorarama nehiv

21 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Zvirongwa zvitsva zvekubatsira vanhu vanorarama nehiv

Kwayedza

CHARLES (17) wekuMwenezi kuMasvingo, muZimbabwe akaberekwa aine utachiona hweHIV.

Amai vake vakafa achiri mudiki.

Apo akange ave nemakore 14 okuberekwa, Charles akange ofamba rwendo rwakareba kubva kuMwenezi kuenda kuMberengwa kunotora mishonga yake yemaARV pakiriniki yeMusume.

KuMwenezi, vanhu vari kurarama neHIV vaimbofamba nzendo refu, kusvika makiromita 60, vachinotora maARV avo kumakiriniki. Dzimwe nguva vamwe vaitofamba kwemazuva maviri vachienda kunotora mishonga yavo iyi.

“Taimbomuka runyanhiriri tichibva pamba nenguva dza6 mangwanani tichinotora mishonga yedu. Taisvika na1pm kana tichinge tafambisa,” anodaro Charles.

Kufamba nzendo refu uku kuchange kwave chinhu chekare zvichitevera kuuya kwakaita zvirongwa zvekubatsira vari kurarama neHIV munharaunda dzakasiyana.

Apo vaidzidzisa vanamukoti vekubazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, vashandi veMédecins Sans Frontières/Doctors Without Borders (MSF) vakaona kuti varwere vakawanda havazi kutora mishonga yavo nguva dzose.

Vamwe vanonzi vakange vasiri kutora mishonga yavo yemaARV nekuda kwekukura kwenzendo dzavanofamba kuenda kumakiriniki kana kuti vaitadza kuyambuka nzizi dzinenge dzakazara nemvura.

MSF yakaona zvakare kuti vechidiki vakawanda vekuMwenezi vaienda kuSouth Africa kunotsvaga mabasa izvo zvaiita kuti vasatore mishonga yavo uye vaizodzoka vave kurwara.

Izvi zvakatuma MSF kuti itange chirongwa chekubatsira vanorarama neHIV munharaunda dzakasiyana ichibatsirana nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana.

MSF yakashanyira varwere vanodarika 1 200 ndokuvapa mishonga yemaARV nezvimwe zvinodiwa.

Charles anofara zvikuru kuMSF yakatanga chirongwa ichi sezvo zvichireva kuti anokwanisa kutora mishonga yake pedyo pane kuenda kukiriniki iyo iri kure.

“Ndakabatsirikana zvikuru nechirongwa ichi nekuti ndairwara asi iye zvino ndave kunzwa zviri nani. Ndaive nedambudziko remarwadzo emuchipfuva, asi iye zvino ndave kunzwa zviri nani. Ndinonzwa kuti ndave neutano,” anodaro Charles.

Mai Rinet Zhou vachibatsira kasitoma yavo pasi pechirongwa cheOFCAD kumba kwavo.

Zvirongwa zvekuenda kunharaunda

Zvikwata zvevashandi veMSF zvinofamba nzendo dzinogona kusvika 200km kuti zvisvike kuvarwere vanenge vachida mishonga.

“Pamazuva ekutanga echirongwa chedu, takaona kuti kune vamwe vakange vatora nguva refu mushure mekunge vatapurirwa HIV uye utachiona hwavo hwakange hwave padanho repamusoro,” vanodaro Dr Edson Chidovi veMSF.

“Takaona varwere vakange vavhenekwa vakawanikwa vaine utachiona hweHIV asi vakange vasati vatanga kutora mishonga yemaARV. Vakange vanzi vaende kukiriniki yaive pedyo, inove makiromita 60, uye havana kumanikidzwa kuti vatore mishonga yavo nekuda kwekukura kwenzendo,” vanodaro.

Kunyangwe chirongwa ichi chiripo, kune vamwe varwere vachiri kufamba nzendo dzinobvira pamakiromita 40 kusvika 60 kuti vanotora mishonga yavo.

Mushure mekuona mamiriro ezvinhu aya, MSF yakatanga zvirongwa zvekuti varwere varapwe pamwe nekuwaniswa mishonga vari mudzimba dzavo.

Zvimwe zvezvirongwa izvi zvinosanganisira zvinodaidzwa kuti Community ART Refill Groups (CARGs), family refills neOut-of-facility Community ART Distribution (OFCAD). Zvirongwa izvi zvine chinangwa chekuti varwere vawane mishonga zviri nyore uye vange vachiinwa. Pasi pechirongwa cheOFCAD, vashandi vanove mavillage health workers vanodzidziswa kupa mishona yemaARV kune vanhu vari kurarama neutachiona uhu munharaunda dzakasiyana.

Aka ndekekutanga chirongwa ichi cheOFCAD chichiitwa muZimbabwe uye kari kekutanga zvakare chichiitwa munzvimbo yekumaruwa mudunhu reSouthern Africa.

Chirongwa ichi chakaitwa kuSwaziland neDemocratic Republic of Congo, asi kwose uku chaiitwa munzvimbo dzemumadhorobha.

“Kuti varwere vapinde muchirongwa cheOFCAD, pane gwara rinotevedzwa,” anodaro Tinashe Mbirimi anove mukoti weMSF.

“Varwere vanenge vachida kupinda muchirongwa cheOFCAD vanofanirwa kunge vanga vachitora mishonga yemaART kwemwedzi inosvika mitanhatu uye viral load yavo inofanirwa kunge iri pa1 000 kana kuti isingaokwe kana ikavhenekwa. Vanofanirwa kunge vachitora zvakare mishonga yeTenolum E. Panofanirwawo kunge paine mushandi (village health worker) pedyo nepavanogara.”

Zvakanakira OFCAD

Chirongwa cheOFCAD chakanakira pakuti vanhu vanorarama neHIV vanokwanisa kutora mishonga yavo pedyo nekwavanogara, zvinoita kuti vasarasikirwe nemari yezvifambiso uye kuti varambe vachinwa mishonga yavo zvakare.

Kuuya kwezvirongwa zvitsva zvakadai seOFCAD kunoita kuti pave nenzira dzinobatika dzekubatsira varwere vari kurarama neHIV kuMwenezi.  Chirongwa ichi chinokwanisa kuitwa kune mamwe mativi eZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey