Zvirwere zvezvikwekwe zvorwiswa

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views

Kwayedza

CHIKAMU chinoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo munyika cheDepartment of Veterinary  Services (DVS) chinoti chiri kutora matanho ekusimbaradza zvirongwa zvekurwisa zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zvichitevera kufa kwakaita mombe dzinodarika 3 400 munyika nekuda kwezvirwere izvi.

Zimbabwe yakarasikirwa nemombe 3 430 nekuda kwezvirwere zvezvikwekwe kubva mumwedzi waMbudzi gore rapera kusvika Chivabvu gore rino.

Dunhu reMashonaland East ndiro rakarasikirwa nemombe dzakawanda kupinda mamwe matunhu ose munyika.

Dr Josphat Nyika vanova director weDVS vanoti varimi vari kunyanya kurasikirwa nemombe dzavo nekuda kwechirwere cheTheileriosis icho chinozivikanwa zvakanyanya seJanuary Disease uye nezvimwe zvinoti babesisosis, heartwater, anaplasmosis uye nekudikitira (sweating sickness).

“Tiri kuyambira varimi kuti vasamhanyire kutengesa mombe dzavo nekuti dzinenge dzabatwa nezvirwere izvi asi kuti vanofanira kutaura nanamudhumeni vari pedyo kuti dzinge dzichirapwa. Tiri kutambira mashoko ekuti kune vamwe varimi vari kutengesa mombe dzavo nemari iri pasi vachifurirwa nemakoronyera ayo anenge achida kuzoita mari navo nekuti vanonodzirapa vobva vazotengesa nemari yakanaka. Kutaura kudai tiri kufamba tichiita makambeni ekufundisa varimi maringe nezvezvirwere izvi uye dziviriro,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti chikamu chavo chiri kushanda nemapurisa mukuranga varimi vari kufambisa mombe kuendesa kunzvimbo dzakasiyana zvisiri pamutemo sezvo zvichikonzera kupararira kwezvirwere zvakasiyana.

“Varimi havafaniri kutengesa mombe kana nyama yezvipfuyo zvinenge zvafa nekuda kwezvirwere nekuti vanoisa upenyu hwevanhu parumananzombe maringe nenyaya dzeutano. Zvirwere zveJanuary Disease izvo zvinokonzerwa nezvikwekwe zvakaripotwa munzvimbo dzakadai seWedza, Chikomba, Mhondoro-Ngezi, Buhera neGoromonzi,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti nzira kwayo yekurwisa zvikwekwe kudhidhisa mombe.

“Zvisinei, varimi vachiri kusangana nematambudziko ekushaikwa kwemishonga yekudhibhisa mombe dzavo sezvo mizhinji yacho ichibva kunze kwenyika, zvikuru sei kuChina nokudaro panenge pachidiwa mari yekunze kuti vange vachiiwana,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti kune mitemo inofanira kutevedzwa nevarimi yakadai seiyo inorambidza kufambiswa kwemombe dzinorwara kana kuti dzine zvikwekwe.

“Tine zvakare mutemo unorambidza kutengeswa kana kuurayiwa kwemombe idzi weAnimal and Public Health Act (Contravening Section 95 of 1995, Chapter 19:01),” vanodaro.

Murimi anowanikwa aine mombe dzine zvikwekwe anosungwa zvakare nemutemo weSection 250 of 1993 Ticks on Cattle Cleansing Act. Dr Nyika vanoti mwedzi wadarika, Hurumende yakaendesa mishonga yekudhibhisa mombe kunzvimbo dziri kunyanya kukurumbira zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

Vanoti vanhu vanogona kubatwawo zvakare nezvirwere zvinokonzerwa nekurumwa nezvikwekwe izvo zvinosanganisira African Tick Bite Fever uye kurasikirwa neupenyu kana vachinge vanonoka kurapwa.

“Munhu anenge arumwa nezvikwekwe anoita zviratidzo mukati memasvondo maviri apo anopindwa nechando, kutemwa nemusoro, kuita mapundu matsvuku ane muromo mutema, kurwadziwa mamasuro emuviri. Zvakakosha kuti vanhu vachimbidze kunorapwa kuti vachengetedze upenyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links