Zvirwere zvinobata munguva yemvura

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Zvirwere zvinobata  munguva yemvura

Kwayedza

‘Manyoka ndiwo dambudziko guru’

BAZI reutano nekurerwa kwevana riri kuyambira veruzhinji kuti vatore matanho ekuzvidzivirira kubva kuzvirwere zvemanyoka secholera netyphoid, izvo zvinowanzonyuka munguva yekunaya kwemvura, zvikuru zvichikonzerwa nehuchapa.

Izvi zvinotevera kunyuka kwechirwere chetyphoid kuMbare, muHarare, uko kwakatofa munhu mumwe chete masvondo maviri adarika nekuda kwemasnyoka aya.

Zvirwere zvinonyuka munguva yekunaya kwemvura zvinosanganisira manyoka echolera, typhoid nedysentery, bilhazia nemalaria.

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiology and Disease Control), Dr Portia Manangazira, vanoti munguva ino yekunaya kwemvura, kune zvirwere zvemanyoka zvakawanda zvinobata vanhu izvo zvinofanira kudzivirirwa.

“Pari zvino munyika muno mune nyaya 2 139 dziri kuzivikanwa dzezvirwere zvemanyoka, kureva kuti tine chikamu che90% chezvirwere izvi, zvikuru typhoid iyo iri kunetsa muMbare.

“MuHarare tine nyaya 77 dzezvirwere zvemanyoka nekudaro chikamu ichi chakakurisa zvikuru. Munguva yemhemberero dzezororo reGoredzva, vanhu vakashanya vachienda kumamisha kureva kuti chirwere chetyphoid ichi hachisisiri muMbare chete, asi kuti chatotekesherawo nekuti chinotapuriranwa kuburikidza nekukwazisana pasina kugeza mawoko, kubata marutsi kana tsvina yemurwere uyewo nhunzi dzinobatsira mukuparadzira manyoka aya,” vanodaro.

Dr Manangazira vanokurudzira veruzhinji kuti vafashaidze mvura yekunwa kana kuisa mapiritsi anouraya zvinokonzera manyoka aya mumvura senzira yekudzivirira kupararira kwemanyoka.

“Tiri mumwaka uno une michero yakawanda semango uye chibage nezvimwe.

‘‘Tinofanira kuona kuti mango idzodzo dzagezwa tisati tadzidya,” vanodaro Dr Manangazira.

Zvinokonzera manyoka:

Kubata tsvina yemunhu kana marutsi uchizonobata chikafu kana midziyo inobikirwa chikafu usina kutanga wageza mawoko nemvura yakachena, ine sipo uye inomhanya.

Chikafu chinenge chisina kubikwa zvakanaka zvekunyatsoibva kana kuti chinenge chakachengeterwa mumidziyo yakasviba.

Chikafu chakawora chinokonzeresawo zvirwere zvemanyoka.

Mvura inocherwa panzvimbo dzisina hutsanana semunzizi, mumatsime kana zvibhorani zvine mapaipi anogona kudaro achisangana netsvina yesuweji pasi ine njodzi huru kuvanhu.

Vana vasingawaniswe kudya kwakakwana kana kuti vakaondoroka vane mikana mikuru yekubatwa nechirwere chemanyoka.

Kudzivirira manyoka:

Vana vachangozvarwa vanofanira kupihwa mukaka wemuzamu raamai chete kwemwedzi mitanhatu yekutanga.

Vana ngavawaniswe kudya kunovaka muviri uye kwakakwana kuine mapuroteni nekumwe kudya kunopa simba.

Kune vaye vanopa vana mukaka wemumagaba, zvakakosha kuti vaone kuti midziyo inoshandiswa mugadzira mukaka uyu yakachena uye mvura yacho inofanira kufashaidzwa.

Zvakakoshawo kuti vanhu vageze mawoko avo nemvura inomhanya uye ine sipo mushure mekushandisa chimbuzi kana kuchinja vana manapukeni.

Vanhu ngavanwe mvura yakachena uye tsvina yevanhu ngaiiswe muzvimbuzi izvowo zvinofanirwa kugara zvakashambidzika.

Chikafu ngachibikwe chichiibva uye chidyiwe chichipisa.

Chikafu chinenge chasara ngachifugidzwe kuti chisamharwe nenhunzi uye vanhu ngavadzidze kurasira marara mumabhini kana mumakomba kuitira kudzivirira nhunzi.

Zviratidzo zvezvirwere zvemanyoka:

Kuchaya manyoka akaita mvura-mvura achinhuhwa zvakanyanya.

Kurutsa nekuny’ura kwemaziso, kuunyana kweganda nekuda kwekupererwa nemvura.

Kupera simba nekusava nehanya nekuda chikafu.

Share This:

Sponsored Links