Zvirwere zvinobvepi?

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views

Kwayedza

ZVIRWERE zviri kungoramba zvichinyuka gore rega rega zviri kubva kupi, kunyanya zviri zvirwere zvinonzi zvaimboveko kare?

Zvirwere kana utachiona zviri kusimudzwa nokusanduka kuri kuita mamiriro okunze here, kana kuti pane ny’any’a dziri kubika utachiona uhu dzosairira muvanhu, ukuwo nyanzvi dzezvirwere nokurapwa kwazvo (scientists) dzowana mabasa nazvo?

Vanhu vachifa kana kutambura kudaro, makambani anogadzira mishonga anenge achikwenya mhuno nekasiyanwa kuti mari yawa nomusana. Zvirwerewo zviri kubikwa muma”laboratory” kutsvaga kutyisidzira vanhu, zviri kuitwa navanhu vane utsinye, vanotsvaga mbiri nezvinhu zvouSatani?

Kana nemiwo vaverengi, hamuoni zvichinetsa kutambira kuti panonzi utachiona hweEbola, hwakauraya vanhu 11 000 kudunhu rokumavirira kweAfrica hwave kupera zvachose munyika dzinosanganisira Liberia, Sierra Leone neGuinea, pasina kana nguva panotanga nyaya yohumwe utachiona hunonzi “Zika virus”? Utachiona hwausinganzwisisi kuti ndezvechokwadi here kuti hunoparadzirwa neimwe mhando yeumhutu. Nokuti vanhu vagara vachiziva kuti umhutu hunopa chirwere chemalaria! Pasina nguva yakareba, vanhu vachinzwa nezve”Zika virus”, uyewo nokuudzwa kuti nyika yanyanya dambudziko iri iBrazil, kwaita vana vakawanda vari kuzvarwa vaine hurema, kunyanya misoro, pfungwa nemisana inenge isina kunyatsosimba, wonzwawo kuti kana zvakadaro zvichaita kuti vanhu vanoda kunoona mitambo yemaOlympics kuBrazil muna Nyamavhuvhu vasaende, kunyanya madzimai akazvitakura.

Vamwe vanamazvikokota vari kutoti madzimai ambomira kubata pamuviri, kana kuti zvichinge zvaonekwa kuti vane utachiona uhu, pamuviri pacho ngapapfukudzwe. Zvii zviri kumbotora nzvimbo?

Pasina mazuva zvakare, utachiona uhu hwakabva hwanzi huri muvanhu vakawanda munyika zhinji dzeSouth America. Muchiri kubvunzana kuti mhuka inonzi “Zika virus” chii, wonzwa zvakare kuti matunhu ese eSouth neNorth America patinozosvika kupera kwegore rino, anenge ave navanhu vabatwa neutachiona uhu vanosvika 4 million. Motanga zvakare kunzwa kuti matunhu mazhinji pasi rese kusanganisira Europe neAustralia ari kuwanikwa aine vanhu vane “Zika virus”, vari vanhu vakabva kudunhu reSouth America munguva dzapfuura.

Musi woMuvhuro sangano rinoona nezveutano reWorld Health Organisation rakabva raridza huwi richiti “Zika virus” ngaitorwe sohutachiona hwakaipisisa zvikuru pasi rese. Vaitaura pave kutonzi kune nyika 24 pasi rese dzave nehutachiona uhu.

Uchiri mukati mokuedza kunzwisisa, sangano reWHO rinopinza imwe nyaya yokuti hapasati pave neumboo hwakakwana hwokuti vana vese vari kuzvarwa vaine urema hwataurwa pamusoro apa, zviri kukonzerwa ne”Zika virus” here, kana kuti kwete.

Mukuru wesangano reWHO, Dr. Margaret Chan vanoti: “’It is strongly suspected but not yet scientifically proven’ that Zika virus causes microcephaly” (musoro wemwana unozvarwa usina kunyatsosvika). Musi weChipiri ndopakazouya chazezesa mutunhu une mago. Zvanzi pave neumboo hwokuti “Zika virus” ichakaroita chirwere chepabonde zvakare nokuti kuUnited States of America, ariko munhu ari kunzi akachiwana kubva pabonde. Tadzoka zvakare kudambudziko romukondombera here – HIV neAids?

GADZURUDZO:

SVONDO rapfuura takati President Mugabe avo vaive sachigaro weAfrican Union vainopereka chigaro chokutungamirira AU kuna President Teodore Obiang Nguema vokuEquatorial Guinea. Kwete, vakaturira husachigaro kuna President Idriss Déby Itno vekuChad.

Share This:

Sponsored Links