Uncategorized

Zviwanikwa zvezimbabwe –

06 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Zviwanikwa zvezimbabwe –

Kwayedza

Juliet Sharon Tom—

DINDINGWE

Ihlosi/Cheetah

DINDINGWE imhuka yakasikirwa kumhanya — ndiyo inomhanya kudarika mhuka dzose pasi rino — 80 kusvika 120 km/h chibvanzvimbo.

Ine makumbo matete, akareba uye ane mhasuru dzakasimba zvikuru. Musoro wayo muduku uine mitsetse miviri inotangira pamaziso ichidzika nekumeso.

Mhuka iyi ine nzara dzinoswinya uye dzakati rebei. Dzimba redindingwe rakagadzirirwa kumhanya nekubata pasi, iine muswe une madoo uye wakareba kuitira kuidzikamisa pakumhanya.

Mitsetse miviri inotangira mumaziso edindingwe ichisvika kumuromo inonzi “mitsetse yemisodzi” (tear lines) uye inonzi inobatsira pakudzivirira maziso emhuka iyi kubva kuzuva nekuita kuti ione zvakanaka.

Ganda redindingwe rine mvere pfupi dzakatsvukirira nemavara kana kuti madoo matema asi richinochenuruka padumbu. Kubva kumusoro kusvika kumakumbo eshure, dindingwe ringaita 112 kusvika 150 cm. Pakureba, inoita 70 kusvika 90 cm pachipfuva ichirema kubva pa21 kusvika 72 kgs kana dai zvazvo mikono ichirema kudarika hadzi. Muswe bedzi unoreba 60-80 cm.

Dindingwe ndiyo bedzi mhuka iri muchikwata chekatsi huru (big cats) isingadzvove. Inoita seiri kuchwiriridza.

Mhuka iyi inovhima chero nguva dzezuva, asi kudzimwe nzvimbo, inovhima zuva rovira kuitira kudzivirira kupiswa masikati.

Dindingwe rine chipo chekuona — kana kwakajeka rinogona kuona mhuka yarinovhima iri 5 km kubva pariri. Rinovhima nekuona kwete nekutevera hwema.

Rinonyangira mhuka zvekuisvikra 100 kana 300 m, dzimwe nguva kutosvika 60 m kubva painenge iri. Rinodzingirira kwenguva isingadarike mineti imwe, zvikaramba rinobva rasiya.

Nekuda kwehuremu hwaro uye nzara dzakagomara nekumhanya, dindingwe harikwire mumuti. Ndokusaka richiti rikasvikirwa nechimwe chikara chinorikurira, rinokasika kusiya charanga rabata pane kurwa.

Dindingwe gadzi rinowanzofamba roga kana kuti nevana varo — zvidharimbo. Asi mikono inogara iri “mhuri” ine mikono miviri kana mitatu yehukama.

Hadzi dzinoita vana dzava nemakore matatu asi mikono inotanga pamakore maviri ekuzvarwa. Hadzi inoita mwedzi mitatu iine mawuta apo inosobereka zvidharimbo (vana) vaviri kusvika pavasere panzvimbo yakahwanda.

Vana vayo vanogona kubatwa nezvimwe zvikara zvesango izvo zvinoita kuti vamwe vacho vatadze kurarama mugore rekutanga.

Dindingwe rakagara richivhimirwa dehwe raro asi rimwe dambudziko raita kuti mhuka idzi dzirambe dzichiita shoma inyaya yekushaya pekunyatsogara nekuda kwekukwikwidzana nezvimwe zvisikwa. Dindingwe rinoda kurarama munzvimbo dzakataramuka, saka kutekeshera kwevanhu kwakanganisa raramo yemhuka idzi zvikuru.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Paul Bosman and Anthony Hall-Martin: Big Cats of Africa

Dale Kenmuir and Russel Williams: Wild Mammals (Bundu Series)

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey