Uncategorized

zviwanikwa zvezimbabwe

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
zviwanikwa zvezimbabwe

Kwayedza

Juliet Sharon Tom

MHOFU

Ndebele: Impofu

English: Eland

MHOFU imhuka inozivikanwa nekukura kwayo uye ine rembe rine mvere iro rinorembera pahuro payo.

Bhuru remhofu rinogona kurema kubva pa650 kgs kusvika 1 000 kgs kuchiti mhou yacho inosvika 500 kgs.

Mhofu ine musoro muduku kana zvichienzaniswa nemutumbi wayo, rume dziine mvere pamhanza.

Hadzi dzacho dzine ruvara rwakada kupfumburuka, asi mabhuru anosvibirira zvichienderana nekukura kwawo uye aine mitsetse inodzika ichitangira pamusana.

Dzose rume nehadzi dzine nyanga dzakanongedza mudenga, dzemabhuru dzakakora uye dziri pfupi pane dzehadzi. Nyanga idzi ndidzo dzinoshandiswa kukweva miti ine mashizha pakufura.

Mhofu inogona kumhanya 40 km/hr asi pakunzunzutira inogona kumhanya pakareba ichiita 22 km/hr. Ikavhundutswa, mhofu inokwanisa kusvetuka 2,5m kubva painenge iri, kana dziri mhuri dzinosvetuka 3m.

Mhofu dzinofura sora zvose nemashizha emiti (herbivores). Inogona kudya michero kana mhodzi. Munguva yekunaya, mhofu inonyanyofura huswa uye inofura kwenguva yakareba sezvo iine muviri mukuru.

Kana muri munguva yechando, mhofu inoswerera kufura kudzimara zuva radoka. Asi kana kuchidziya kana kupisa, mhuka iyi inoswera yakazorora ichizeya yozofura husiku.

Mhofu dzinogona kugara dzakawanda zvekusvika 500, kunyanya munzvimbo dzine kudya kwakawanda.

Mhou dzinoita mhuri mushure memwedzi 15 kusvika 36 kuchiti rume dzinoita makore mana kana mashanu. Zamu remhofu rinotora mwedzi misere kana mipfumbamwe apo panozozvarwa mhuru imwe chete.

Mhofu inokwanisa kusandura mararamiro ayo zvichienderana nemamiriro ekunze kudarika zvinoitwa nemombe. Mune dzimwe nzvimbo sekuSouth Africa, mhofu inopfuyirwa nyama nemukaka wayo.

Mhou yemhofu inogona kubuda 7kgs dzemukaka pazuva, uyo unozivikanwa nekuva neruwomba kudarika wemombe.

Mhofu dzinonzi dzinofamba nenhundu yemago panyanga dzadzo kana kuti parembe remuhuro izvo zvinoita kuti mhuka iyi inzi inopenga zvakanyanya. Zvisinei, mhuka iyi hainyanye kupenga sezvinotaurwa.

Vanotevera zvechivanhu muZimbabwe vanopa mhofu ruremekedzo rwekuva mhuka inoyera kuivhima uye inonzi ikakuma kana kubuda misodzi pakufa, nyakuibaya anoita munyama zveupenyu hwake hwose.

 

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Field Guide to the Larger Mammals of Africa – Chris and Tilde Stuart

The Safari Companion – Richard Estes

The Complete Guide of Southern African Mammals – Gus Mills and Lex Hes

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links