Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe – Mvuu

Kwayedza

Juliet Sharon Tom

Shona: Mvuu

Ndebele: Imvubu

English: Hippopotamus

MVUU imhuka inofarira pane mvura iine muviri mukuru unenge chidhiramu, makumbo mapfupi nemusoro mukuru.

Ine ruvara rwakapfumburuka serwune madhaka.

Mvuu ndiyo imwe yemhuka dzakakurisa panyika. Ndiyozve ine mazino akakura kudarika edzimwe nyuka dzose. Mazino ayo anoramba achingokura kweupenyu hwayo zvekare anoshandiswa pakurwa, kusanganisira kuruma vanhu.

Kana yakura, mvuu inorema 1 500kgs. Hadzi dzacho iduku zvishoma pane rume.

Kana zvazvo iine muviri mukuru, mvuu inokwanisa kunzunzutira 30 km paawa. Mhuka iyi haigone kusvetuka asi ichikwanisa kukwira mahombekombe erwizi.

Mvuu haina chipo chakakura chekushambira, ndokusaka dzichifarira mumvura inenge isina kunyanya kudzika. Kana iri mudziva rakadzika, mvuu inoita zvekufamba nepasi.

Maziso, nzeve nemhuno zvemvuu zviri nechepamusoro pemusoro wayo kuitira kuti painony’udza mutumbi wayo mumvura, zvinosara kunze. Kana iri pasi pemvura, mhuno nenzeve zvinovharika.

Ganda remvuu harina mvere uye rakakora chipo che6cm kuitira kuidzivirira kuzvikara. Ganda iri rinoburitsa zvinenge ropa kana kuti mafuta izvo zvinoita kuti rigare rakanyorovera. Ndizvo zvinonzi “blood sweat” kana kuti “dikita reropa”.

Mvuu inogona kugara pasi pemvura kwemaminetsi kana 30.

Dzinogara dziri zvikwata zvemhuka 10 kusvika 20 dzichitungamirirwa nerume inokurira dzose.

Mvuu inofura sora uye husiku humwe chete inogona kudya 30 kusvika 60kg dzehuswa. Dzinonyanyofarira nguva dzehusiku apo dzinobuda mumvura dzichinotsvaga mafuro.

Hadzi dzacho dzinobereka dzava nemakore manomwe kusvika 15 asi rume dzinokasika. Zamu remvuu rinoita mazuva 243, chipo chegore rose apo inobara mhuru imwe chete.

Mhuka iyi ine hukasha, kunyanya kana iine mhuru nekunge masangana uri pakati payo nekune dziva.

Nechikonzero chekuti mhuka iyi inofamba pakareba ichitsvaga mafuro, pane mukana wekuti dzinogumisira dzave kunogara vanhu. Veruzhinji vanoziviswa kuti mvuu imhuka ine hukasha, naizvozvo vasaidenhe kana vaiona. Injodzi kumunhu kuyambuka nzizi dzinozivikanwa kuti dzine mvuu. Kana maona mvuu, zivisai mapurisa kana veZimparks vari pedyo nemi.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

The Safari Companion – Richard Estes

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links