— Zviwanikwa zveZimbabwe —

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
— Zviwanikwa zveZimbabwe —

Kwayedza

HAKA
(Inkakha/Ground pangolin)MHANDO yehaka inowanikwa muZimbabwe inonzi Ground Pangolin iyo inorema 20 kgs.
Iyi imhuka inoda kugara yoga, haina hushamwari, ichifarira kufamba munguva dzemanheru uye inozivikanwa nemakwati muviri wayo wose.

Kana yaona zvaisingafarire, haka inovhara musoro wayo nemakumbo ekumberi, yomisa makwati ayo kuitira chinoda kuikanganisa. Kana ikabatwa, haka inourungana kuita sechibhora apo inoshandisa makwati ekumuswe kuvhika muvengi. Haka imhuka inorarama sezvinoita vanhu (mammals), inobara vana vanoyamwa mukaka.

Haka inosevenzesa nzara dzayo dzakasimba kuchera pachuru yozoshandisa rurimi kubata muchenje nemasvosve izvo zvainodya. Inodyawo tumwe tupukanana tudiki.

Hazvinyatsojeka kuti haka inorarama kwenguva yakareba sei iri mudondo, zvisinei nekuti inogona kusvitsa makore 20 kana ichichengetwa. Mushure memakore maviri, haka inokwanisa kubereka vana – kazhinji kacho inoita mwana mumwe chete. Pakuberekwa, mwana wehaka anorema chipo che300g. Apa makwati acho anenge asati aomarara izvo zvinozoitika muzuva repiri kubva pakubarwa.

Haka inorera mwana wayo muguru. Haka inorara yakamonerera mwana wayo kuitira kumudzivirira.
Mwana wehaka anoyamwa kwemwedzi mitatu kana mina, asi mushure memwedzi azvarwa, anenge otodya muchenje nemasvosve. Ipapa mwana anenge opota achibuda muguru naamai pakunovhima tupukanana.

Haka imhuka inochengetedzwa muZimbabwe uye haitenderwe kubatwa kana kuvhimwa. Asi dambudziko nderekuti mhuka iyi inovhimwa zvisiri pamutemo nevamwe vanofunga kuti makwati ayo anoshanda semushonga.

Zvisinei, makwati ehaka haaite sezvinofungwa nevanhu sezvo achigadzirwa neinonzi “Keratin” – imwe cheteyo neinogadzira nzara nevhudzi remunhu.

Vamwe vanhu muZimbabwe vane pfungwa yekuti vakaona haka, vanofanirwa kuitora, voenda nayo kwamambo kana kwashe wavo vaine tarisiro yekupihwa mubairo, izvi handizvo. Kuibvisa payange iri kunotoikanganisa mararamiro ayo, naizvozvo veruzhinji vanokurudzirwa kuti vasiye haka iri pavanenge vaiona iri sezvo uri ndiwo musha wayo.

Sezvo haka iri chipuka chinochengetedzwa pasi pemutemo, wose anowanikwa ainayo anosungwa, okandwa mujeri.

Kana maona haka, musaibate asi zivisai veParks and Wildlife Management Authority vari pedyo nemi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey