Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe –

Kwayedza

Shona: NHORO

Ndebele: Ibhalabhala

English: Kudu

MHUKA inonzi nhoro inozivikanwa nenyanga dzayo refu idzo dzakamonyoroka uye ine chipo chekusvetuka zvikuru.

Nhoro inonzwa zvakanyanya izvo zvinoita kuti zvisave nyore kuisvikira pedyo isina kuzvinzwa.

Mhuka iyi ine makumbo marefu, zenze nechepanyundwa nemuswe ungangoreba 43cm. Rume kana kuti bhuru rine rembe (mvere pasi pehuro) uye iine muviri wakakura kudarika hadzi.

Nhoro ine ruvara rwupfumbu rwakasvibirira (grey-brown) asi mutsipa wayo wose uri mupfumbu. Dzose – rume nehadzi – dzine mitsetse michena inotangira pamusana ichidzika nemumwezve mutsara muchena uri nechepakati pemaziso.

Kana ichimhanya, nhoro inosimudza muswe wayo muchena mudenga. Nzeve dzacho ihuru uye dzakaita sedenderedzwa (rounded). Mabhuru enhoro anomera nyanga, hadzi hadzina.

Mhuka iyi ine chipo chekuhwanda pakati pemiti kana ichinge yaona kuti pangangoita njodzi, izvo zvinobatsirwa neruvara rwayo. Zvisinei, kana zvaipa nhoro inoita karuzha kanenge kukuma, yobva yatiza.

Kana bhuru renhoro richimhanya, rinorerekera musoro nenyanga shure kuitira kuti dzisakochekere mumiti.

Nhoro inorarama nekufura mashizha emiti, asi inogonawo kufura huswa nesora.

Nhoro inotakura zamu kwemazuva 270 apo inobara mhuru imwe chete.

Amai vacho, mhou, inobva yasiya mhuru iyi iyo inonofura nedzimwe ichidzoka kuzoyamwisa. Mhuru yenhoro inogona kuramba yakahwandiswa kwemwedzi miviri kana mitatu apo inozotanga kutevera dzimwe.

Nhoro hainganzi imhuka ine njodzi kuvanhu, asi kuti dzinozivikanwa nekufura muminda yevarimi dzichiparadza zvirimwa.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Field Guide to the Larger Mammals of Africa – Chris and Tilde Stuart

The Safari Companion – A Guide to Watching African Mammals – Richard Estes

The Complete Guide of Southern African Mammals – Gus Mills and Lex Hes

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links